Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Havasi Kuzotambira Kuti VaMugabe Vakunda Musarudzo Gore Rinouya


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

Sangano rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, richitsigirwa nemutungamiri webato guru rinopikisa reMDC, VaMorgan Tsvangirai, raudza vashandi neveruzhinji kuti vavhotere shanduko musarudzo dza2018 vachiti izvi ndizvo chete zvichapedza matambudziko akatarisana nenyika.

Mashoko aya abuda pagungano rekucherechedza zuva revashandi raitwa mumusha weDzivaresekwa muHarare.

Vachitaura pamusangano uyu, VaTsvangirai vati ndivo vari kukunda musarudzo dzegore rinouya uye havazi kuzotambira kana VaMugabe vakanzi vakunda musarudzo idzi.

VaTsvangirai vati zviri pachena kuti VaMugabe havachidiwi neruzhinji rwevanhu munyika.

Munyori mukuru wesangano reZCTU, VaJaphet Moyo, vaudzawo zviuru zvapinda mugungano iri kuti nyika yatarisana nematambudziko akawanda anosanganinira kushaikwa kwemari, kushungurudzwa kwevanhu, kusungwa pamwe nekushaya basa.

Vatiwo dambudziko rimwe riri munyika kushungurudzwa kwevashandi, kusabhahdrwa pamwe nekudzingwa mabasa.

Vatiwo zvinosuwisawo kuti kana matare edzimhosva ari kupawo mitengo inotorera vashandi kodzero dzavo.

VaMoyo vati kunze kwematambudziko aya, vanhu vari kutambura munyika nekushaya chikafu, kushaya pekugara pakanaka, huwori hwapararira uye zvese izvi zvinopera chete kana vakanyoresa nekuvhotera hurumende inovapa mabasa gore rinouya.

Vati nekuda kwaizvozvo zvakakosha kuti vashandi, mhuri dzavo vevanhuwo zvavo vanyorese pamwe nekuvhota gore rinouya.

VaMoyo vashorawo vanhu vekuChinavane mabhizimisi muZimbabwe vachiti vanhu ava vari kutyora kodzero dzevashandi pasina zvavari kuitwa nehurumende.

Mutungamiriri weZCTU, VaPeter Mutasa, vati kunyange hazvo sangano ravo richimirira vashandi, rave kuita zvematongerwo enyika nekuti nyaya dzematongerwo enyika dzidzo dziri kuita kuti vanhu vatambure munyika.

Vaenderera mberi vachiti haisi nguva yekuti vanhu varambe vachichema asi kuti zvave kuda kubatana.

VaTsvangirai, avo vaive munyori mukuru weZCTU vasati vasarudzwa kutungamira bato reMDC,vaudza mhomho yevanhu kuti vanhu vane mukana wekusandura hupenyu hwavo gore rinouya nekubvisa bato reZanu PF pachigaro.

VaTsvangirai vati vanhu vese kubva kumativi mana enyika vari kuchema nebato uye matambadziko ese ari munyika akonzerwa nebato zvekuti sarudzo dza2018 dzinofanira kugadzirisa zvichemo zveveruzhinji.

Vati Zimbabwe yafanana nekambani iri kudzokera kumashure uye vatungamiriri vekambani iyi vatadza basa uye vanofanira kuenda kumusha.

VaTsvangirai vati mapato anopikisa munyika pasi peNational Electoral Reforma Agenda ari kushanda pamwe kuti ashandure mitemo yesarudzo uye izvi zvichaita kuti zvido zveveruzhinji zviremekedzwe.

Vatiwo vanhu vanofanira kubuda nehuwandu hwavo kunovhota gore rinouya uye ivo havasi kuzotambira zvinobuda musarudzo kana vasina kukunda.

Munyori anoona nezvehupfumi mubato raVaTsvangirai , VaTapiwa Mashakada, vanoti hurumende yebato ravo ichaunza mabhiriyoni zana emadhora munyika mukati memwedzi mitatu yapinda pachigaro.

Zvichakadai, gurukota rezvevashandi, Amai Priscah Mupfumira, pamwe nevebato reZanu PF havana kupinda mugungano revashandi kunyange hazvo vange vakakokwa.

Vamiriri vemasangano akasiyana siyana akaita seInternational Labour Organisation nemamwe anoshanda akazvimirira apinda muchiitiko chanhasi.

Zuva rvashandi rinocherechedzwa pasi rose musi wa 1 Chivabvu gore rega rega.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG