Accessibility links

VaTsvangirai Votarisirwa Kudzoka Munyika Mukupera kweSvondo Kana Vave Nani

  • Irwin Zulu

VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, avo vakaendeswa kuchipatara kuJohannesburg, South Africa svondo rapera vanonzi vave kutarisirwa kudzoka munyika mukupera kwesvondo rino kana vachinge vanaya.

VaTsvangirai vakaendeswa kuSouth Africa neChishanu chapfuura mushure mekunge vatanga kurwara vachirutsa.

VaTsvangirai vakazivisa nyika kuti vane chirwere chegomarara uye vanopota vachienda kunorapwa kuSouth Africa.

Asi rwendo rwuno vanonzi vainge vaenda zvechimbi chimbi nekuti vainge vanyanya kurwara.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vaburitsawo mashoko kuvatori venhau vachiti VaTsvangirai vave kunzwa zviri nani uye vari kukurudzira vanhu kuti vanyorese kuvhota.

Vamwewo vanachiremba vataura neStudio 7 vaudzawo Studio 7 kuti zvakakosha kuti VaTsvangirai vambopota vachizorora nekuti vari kufunga kuti vari kunyanya kushanda.

Musi weChina VaTsvangirai vange vachitarisirwa kuita musangano wakakosha nevamwe vatungamiri vatanhatu vemapato ari mumubatanidzwa weMDC-Alliance.

Vatungamiri ava vanosanganisira VaTendai Biti vePeople’s Democratic Party, VaWelshman Ncube veMDC uye VaJacob Ngarivhume veTransform Zimbabwe.

Mutauriri wemubatanidzwa weMDC Alliance, VaNgarivhume, vanoti musangano uyu wakanangana nekuzeya zvakabuda mumusangano wakaitwa nevatungamiri veMDC Alliance nevatevedzeri vavo kuKadoma.

Vatungamiri ava vanodawo kupeta nhaurirano vonyorerana chibvumirano chekugumisira.

VaBiti, avo vainge vari kunze kwenyika, havana kupinda mumusangano uyu asi vaudza Studio 7 kuti vari kupinda mune wekupera kwesvondo.

Mumwe wevatevedzeri vaVaTsvangirai, VaNelson Chamisa, vati VaTsvangirai vave nani uye vambokwanisa kutaura navo vari muchipatara.

VaChamisa vati uye vakadzoka vanenge vosimbaradza nyaya yekutsvaga rutsigiro rwesarudzo dza2018.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG