Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voudza VaTsvangirai Kuti Vapinde Mumubatanidzwa Zvine Hungwaru


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri webato guru rinopikisa reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti vari kufara nezviri kubuda mumisangano yavari kuita vachitenderera nenyika yose, nanazvipangamazano pamwe nevatsigiri vavo avo vari kuvapa mvumo yekubatana nemamwe mapato pasarudzo dzegore rinouya.

Vachitaura neStudio7 kwaMpandawana kwaGutu neChishanu, pakupera kwemusangano waitwa wakavharwa misuwo, VaTsvangirai vati kunyange vanhu vari kuvapa mvumo yekubatana nevamwe, vazhinji munzvimbo dzavafamba vari kuratidza kusavimba nemamwe mapato vachiti vanogona kuzovanyengedza.

VaTsvangirai vati vana chipangamazano pamwe nevane pfungwa dzinobatsira mukusimudzirwa kwemaruwa vari kuvakurudzira kuti vapinde mumubatanidzwa uyu vakangwarira mamwe mapato.

VaTsvangirai vataura nanachipangamazano nevatungamiri vekumaruwa, kusanganisira madzishe nemasabhuku.

Vati musangano wavo hausi kufara kuti madzishe nemasabhuku ataura mumusangano kuti vari kushungurudzwa neZanu PF vachimanikidzwa kumanikidza vanhu mumaruwa kuti vaite zvavasingadi.

Vatungamiri venharaunda yemuGutu vakurudzira VaTsvangirai kuti vaenderere mberi nekubatana nevamwe asi vashare mapato ane musoro uye anokwanisa kuunza huwandu hunodiwa kuti vabvise pachigaro hurumende iri kutonga.

Mumwe wevakadaro ndiVaWatson Manamike vekuDewure, avo vayambira VaTsvangirai kuti vatange vaongorore kuti mamwe mapato ari pachokwadi here kupinda mumubatanidzwa uyu.

Asi pane vamwe vakaita saVaNevson Mushayi varamba zvemubatanidzwa vachiti mapato mamwe anopikisa haasi pachokwadi uye anoda kuzovhiringidza VaTsvangirai nebato ravo.

Vamwe vatsigiri vanoti havanyatsovimbe nemamwe mapato kunyanya ane vazhinji vakabva muZanu PF vachiti vanogona kunge vakatumwa vachida kuzovanyengedza vovavhiringidza.

Asi VaTsvangirai vati vavimbisa vanhu kuti vari kukoshesa zvakawanda uye vane chivimbo chekubatana nemapato avanoona kuti ari pachokwadi chekubatsira vana veZimbabwe kubvisa hutungamiri hwemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG