Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inoti Kwete Kuna VaMangudya


VaMorgan Tsvangirai

Dare remakurukota eMDC ehurumende yeparutivi, shadow cabinet, rasangana muHarare neChipiri richizeya hurongwa hwehurumende hwekuda kuwunza mari yepepa iri kudaidzwa kuti ma bond notes.

Dare remakurukota eMDC ehurumende yeparutivi, shadow cabinet, rasangana muHarare neChipiri richizeya hurongwa hwehurumende hwekuda kuwunza mari yepepa iri kudaidzwa kuti ma bond notes.

Bato iri rinoti hurongwa hwebhanga guru renyika uhwu hune chekuita nezvematongerwo enyika.

Mutauriri wemutungamiri weMDC, Va Morgan Tsvangirai, uye varivo mutauriri wedare remakurukota ehurumende yeparutivi yebato iri, Va Luke Tamborinyoka, vaudza Studio 7 mushure memusangano uyu kuti shadow cabinet yavo yaratidza kushushikana zvikuru nehurongwa hweReserve Bank of Zimbabwe hwekuda kuwunza ma bond notes aya.

Va Tamborinyoka vati hurongwa uhwu hune chekuita nezvematongerwo enyika vachiti iyi inzira yehurumende yeZanu PF yekuda kudhinda mari kuti ibhadhare vashandi vayo mari dzemihoro nezvimwe zvakadaro sezvo vachiti homwe yehurumende yakabooka.

Asi gavhuna webhanga reReserve Bank of Zimbabwe, Va John Mangudya, vaudza Studio 7 parunhare kuti bhanga ravo haripinzi nyaya dzezvematongerwo enyika mukuita basa raro.

Va Mangudya vati hurongwa hwavo hwekuwunza ma bond notes ndewekuedza kugadzirisa nyaya yekushaikwa kwemari mumabhanga kuri kuita kuti veruzhinji vashaye mari yekushandisa zuva nezuva.

Mutauriri weZanu PF, Va Simon Khaya, vati titumire mibvunzo asi pataenda pamhepo vanga vasati vapindura mibvunzo yatavatumira pamusoro penyaya iyi.

Zvichakadai, Va Tamborinyoka vati musangano waitwa wabvumirana kuti pashevedzwe musangano wekomiti yebato ravo nechimbichimbi ye national executive kuti izeye gwara richatorwa nebato ravo panyaya iyi sezvo vachiti nyaya iyi ine chekuita nezvematongerwo enyika.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Va David Masunda, vanoti havawone hurumende yeZanu PF ichidzokera kumashure panyaya iyi.

Zvichakadai, Va Tamborinyoka vati bato ravo riri kuda kuti nyika irambe ichishandisa mari yekunze kudzamara hupfumi hwenyika hwasimukira nyika yave kukwanisa kutengeserawo dzimwe nyika kuti iwane mari yekunze.

Vati pari zvino hupfumi hwenyika huri mumadhaka zvekuti zviri kuitwa nebhanga guru renyika zvekuwunza ma bond notes aya kuedza kudzosa dhora remuZimbabwe nerweseri zvavanoti zvinogona kupinza nyika muna taisireva.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG