Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokurudzirwa Kugadzirisa Chimiro Chayo


Mutungamiri wenyika, Robert Mugabe .
Mutungamiri wenyika, Robert Mugabe .

Pfungwa idzi dzakabuda pamusangano wakaitwa muBulawayo neChitatu wekuzeya kuti chimiro cheZimbabwe nemaonerwo ainoitwa nevekunze zvingavandudzwa sei.

Vamwe vanhu vanoti hurumende inofanirwa kuve nemitemo yakajeka kuitira kuti chimiro kana kuti maonerwo anoitwa nyika nevanhu vekunze ave akanaka, izvo zvinogona kubatsira kuti vemabhizimisisi vekunze vade kusima mari yavo munyika uye kuti vanhu vanouya munyika sevashanyi vawande.

Pfungwa idzi dzakabuda pamusangano wakaitwa muBulawayo neChitatu wekuzeya kuti chimiro cheZimbabwe nemaonerwo ainoitwa nevekunze zvingavandudzwa sei.

Mumwe wevakatura pamusangano uyu, VaBusisa Moyo, vanove mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Industries, vakati hurumende inofanirwa kuziva kuti vanhu kana makambani ane mari yekusima mumabhizimisi anogona kuita izvi munzvimbo dzakasiyan-siyana pasi rose.

VaMoyo vakati dzimwe nyika dzinoonekwa sedzisina kugadzikana dzakadai seMozambique neSouth Sudan dziri kukwanisa kukwezva vanoda kusima mari.

Vakaenderera mberi vachiti chinhu chakanyanyokosha inyaya yekuti nyika ive nemitemo yakajeka isingavhiringidze vanoda kusima mari dzavo munyika.

Imwe nyanzvi munyaya dzetsika nemagariro evanhu, VaPhathisa Nyathi, vakaudza musangano uyu kuti vanhu vasati vataura nezvechimiro chenyika, zvakakosha kuti pataurwe nekukosha kwakaita kuremekedza marudzi akasiyana-siyana ari munyika senzira yekukurudzira kubatana nerunyararo.

Izvi zvakatsigirwa naVaArnold Moyo vanoshanda saIndustrial Liaison Officer paNational University of Science and Technology avo vakati vanhu vemuZimbabwe, kunyange vari kunze kwenyika, vanofanirwa kunzwa vachifara kuve vana vemuZimbabwe vasingashungurudzwe kana kusarudzwa panyaya dzakadai sekuvhota.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reZimbabwe Tourism Authority, VaGivemore Chidzidzi, vakatiwo zvinonetsa kuti nyika iwane vanhu vekunze vanoishanyira vakawanda kana chimiro chayo chisina kunaka, vakatiwo zvakakosha kuti vanhu vemuZimbabwe vaite muonera pamwe pakusimudzira chimiro chenyika.

Amai Faith Makamure, avo vari mubhizimisi munyaya dzezvekushanya, vakati chimiro chenyika chinotanga kuonekwa panhandare dzendege, uye pamiganhu yenyika, pamwe nemumigwaga munofamba vashanyi.

Vakachema-chema nenyaya inogarotaurwa neveruzhinji yekuwanda kwemapurisa mumigwagwa vakati hurumende inofanirwa kuwona zvaingaite nekukasika pakuderedza maroadblock anoitwa nemapurisa aya sezvo izvi zvichivhiringidza vashanyi.

Mukuru mukuru weNation Branding mubazi rezvekushanyirwa kwenyika, Doctor Obediah Mazombwe, vakati bazi ravo rakaparura hurongwa hwekunzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pechimiro chenyika kana maonerwo ainoitwa nevekunze sezvo iyi iri nyaya yakakosha zvikuru mukusimudzira hupfumi hwenyika.

Zimbabwe ndeimwe yenyika dzekuchamhembe kweAfrica dzaishanyirwa nevashanyi vekunze vakawanda zvikuru mumakore apfuura.

Asi kusamira zvakanaka kwezvehupfumi pamwe nenyaya yekuti hurumende inoonekwa seisingaremekedzi kodzero dzevanhu, zvaita kuti chimiro chenyika chidzikire uyewo vashanyi vekunze vanoda kushanyira nyika, vave vashoma.

XS
SM
MD
LG