Accessibility links

Breaking News

Fodya Yotanga Kutengeswa Varimi Vachiisirwa Mari kuMabhanga Avo


Mumwe murimi wefodya kuMt Darwin, VaAlexander Chihore, vanoti dai zvaibvira dai vachipihwa mari yavo pamisika kuitira kuti vakwanise kutenga zvavanoda.

Mwaka wekutengeswa kwefodya gore rino watanga neChitatu vamwe varimi vachitsutsumwa nemutemo mutsva wekuti varimi vave kubhadharirwa mari dzavo kumabhanga, kwete kupihwa mari yavo kumisika yefodya sezvanga zvichiitwa makore apfuura.

Vamwe varimi vatataura navo vati izvi zvinovakanganisa pamabasa avo sezvo vanenge vachida kuti vapihwe mari yavo pamisika iyi vabva vatenga zvekushandisa pamwe nezvimwe zvavanoda vasati vadzokera kumisha kana kumapurazi avo.

Mumwe murimi wefodya kuMt Darwin, VaAlexander Chihore, vanoti dai zvaibvira dai vachipihwa mari yavo pamisika kuitira kuti vakwanise kutenga zvavanoda.

Asi vamwewo vakaita saAmai Loveness Makandwa vekuMvurwi vati kubhadharirwa mari kumabhanga zvakanaka chose sezvo zvichiita kuti munhu aende kumba kwake nekukasika kwete kugara pamusika kwemazuva varimi vachimirira mari.

Kirogiramu yefodya yepamusoro yatengwa nemadhora mana nemasendi makumi mashanu, uye yepasi pasi yatengwa nemasendi makumi mashanu chete pakirogramu imwe chete.

Amai Makandwa vanoti mutengo uyu unofanira kukwidzwao kuti varimi vaite basa vachifara.

Vachivhura misika yefodya zviri pamutemo gore rino gurukota rezvekurima, VaJoseph Made, vati itariro yemurimi wese kuti mitengo irambe ichikwira kuti vamwe chouviri pabasa ravo.

Vatiwo vanoziva kuti pane chikiribidi chinoitika pamisika yekutengesa fodya uye vati hapana murimi anofanira kubva pamusika asina kugutsikana nezvinenge zvaitika.

Sachigaro webhodhi rinoona nezvekutengeswa kwefodya, Tobacco Industries Marketing Board, Amai Patrick Chinamasa, vati huwandu hwevarimi vefodya hwakaderera mwaka uno zvichienzaniswa nemwaka wegore rapera.

Vatiwo vakapa marezenisi kumisika mitatu inoti, Tobacco Sales Floor, Boka Tobacco Floors ne Premier Tobacco Auction Floor.

Kunze kwemisika iyi pane makambani gumi nematanhatu akapiwa marezenisi ekutenga fodya.

Gore rapfuura Zimbabwe yakawana mamiriyoni mazana mapfumbamwe emadhora kubva mukutengesa fodya asi mari iyo inotarisira kudzikira mwaka uno sezvo huwandu hwefodya hwakadzikira nezvikamu makumi maviri kubva muzana pane hwegore rapfuura.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG