Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vodzidzisa Vana veChikoro Vakamirira Zvichabva kuHurumende


Obert Masaraure

Vadzidzisi vakawanda munyika vaenda kunodzidzisa zvichitevera nhaurirano dzakatangwa nezuro dziri kuitika pakati pemasangano evarairidzi nehurumende.

Zvikoro zvizhinji muMasvingo zvakaita se Runyararo Primary, Christian High ne Ndarama, vadzidzisi vange vari pabasa neChipiri vachidzidzisa vana vakabhara mari yechikoro, sezvo vazhinji vadzorwa vachinji vatange vabhadhara mari dzechikoro.

Mutungamiri weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaTakavafira Zhou, vati ratidziro yavo haina kuzoitika sezvo hurumende yakazobvuma kutaura navo neMuvhuro.

Asi vati hurumende ikaramba zvavanoda, kutanga Muvhuro svondo rinouya varairidzi vanenge vokanda mapadza pasi.

"Hurumende yakati inokwanisa kuwedzera vadzidzisi mari nezvikamu gumi kubva muzana asi vadzidzisi vanoti vanoda zvikamu makumi mana kubva muzana vakasawana izvozvo vanoramwa mabasa," vadaro VaZhou.

Sangano re Federation of Zimbabwe Educator’s Union rati richapedzisa kutaurirana nehurumende mumazuva mana anotevera.

Sangano iri ratiwo kana hurumende isina kugadzirisa zvichemo zvenhengo dzaro, varairidzi vanoramwa mabasa kutanga neMuvhuro svondo rinouya.

Zvichakadaro, vabereki munyika yose vari kuchema nerekuti vana vavo vatadza kuita zvidzidzo zvavo zvichitevera kudzingirwa mari dzechikoro.

Vabereki vakawanda vanoti vari kunetseka nehupenyu sezvo mari iri kunetsa kuwana munyika.

Ambuya Abiba Muchinjikwa vanoti vazukuru vavo vavanochengeta vadzingwa pachikoro che Christian asi ivo vasina mari uye vari mubishi rekutsvaga mari.

Mumwe mubereki, VaEdmore Mbalo, vati vanorwadziwa kuti zvikoro zviri kutadza kutevedzera mutemo wehurumende wekuti hapana mwana anodzingirwa mari dzechiokoro.

Mukuru kubazi rezvedzidzo muMasvingo, VaZedious Chitiga, varamba kutaura neStudio7 nezvenyaya yekudzingwa kwevana vechikoro.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG