Accessibility links

Breaking News

Tajamuka Inoti VaMkhwananzi Vambomira Kutaurira Sangano Iri


Promise Mkwananzi
Promise Mkwananzi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Chikwata cheTajamuka chinoti chatambira chikumbiro chemutauriri wacho, VaPromise Mkwananzi,chekuti vambosuduruka apo nyaya dzehuwori nekusashandisa mari zvine mwero dzavari kupomerwa dziri kuongororwa.

Komiti inoona nezvekufambiswa kwemabasa muTajamuka yaita musangano muHarare neMuvhuro apo yaumba komiti ichaongorora nyaya dziri kupomerwa VaMkwananzi. VaGift Ostallos Siziba ndivo vacbata chinzvimbo chemutauriri wechikwata ichi.

VaSiziba vaudza Studio 7 kuti nyaya dzaVaMkwananzi dzakatanga kubuda pamadandemutande mazuva apfuura uye komiti yadomwa iyi ichaunganidza humbowo isati yapa pfungwa dzayo kuti zvingaitwe.

Zvichitevera zvainyorwa nekutaurwa pamadandemutande nedzimwe nyaya dzavaipomerwa, VaMkwananzi vakazivisa nezuro manheru kuti vainge vave kumbosuduruka kuti vagadzirise nyaya iyi.

Pane zvizvarwa zveZimbabwe zvinoti zvaibatsira Tajamuka nemari zvave kupomera VaMkwananzi mhosva yehuwori pamwe nekusashandisa mari zvine mwero.

Hatina kukwanisa kutaura naVaMkwananzi kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi sezvo vange vasiri kudaira mbozhanhare yavo.

Asi vachinyora padandemutande, VaMkhwananzi vakati vari kumbomira kuita mutauriri wesangano iri zvichitevera kupomerwa kwavari kuitwa nyaya nemunhu wavati anonzi Fadziso Doyce nee Jena, kuitira kuti zita ravo risikanganise mafambiro ezvinhu muTajamuka.

Munyori mukuru weMDC – T Youth Assembly mudunhu reHarare, VaDenford Ngadziore, vaudza Studio 7 kuti senhengo dzeTajamuka/Sesijikile, zvaitikika izvi hazvifaniri kudzorera basa rechikwata ichi kumashure.

Vati chikwata ichi chine nhengo dzakawanda uye dzinofanira kuenderera mberi nebasa.

Munyori mukuru musangano revadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro, reZimbabwe National Students Unions, VaMakomborero Haruzivishe, vaudza Studio7 kuti zvaitika muTajamuka/Sesijikile zvakakosha uye zvinoratidza kuti kana paita nyaya, dzinofanira kuongororwa, zvisinei kuti ndiani anenge aidziita.

Vati ZINASU yakapinda muTajamuka/Sesijikile nekuti vanotsigira zvinorwirwa nesangano iri.

Chikwata cheTajamuka/Sesijikile icho chinove mubatanidzwa wemasangano evechidiki anorwira kodzero dzevanhu pamwe nevechidiki kubva kumapato anopikisa chakaumbwa gore rapfuura.

Chikwata ichi chinorwira kuti munyika muve nehutongi hwejekerere pamwe nekuti vanhu vagare zvakanaka.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG