Accessibility links

Breaking News

Vakashungurudzwa Musarudzo dza2008 Vanoti Havana Kuripwa


Vamwe vevanhu vakamboshungurudzwa nevasori munguva dzesarudzo dzakaitwa muna 2008 vanoti nyaya dzesarudzo dzinounza pfungwa dzekutya.

Vanhu ava vanotiwo hapana rubatsiro rwavakawana kubva kuhurumende kana kumapato avo semuripo.

Imwe mhuri yakashungurudzwa inogara kuBanket inoti kusvika pari zvinop haina kana kumbowana rubatsiro kubva kuhurumende, kanawo kubato rayo, zvichitevera kuparadzwa kakaitwa misha pamwe nepfuma yavo munguva yemhirizhonga yezvematongerwo enyika muna 2008.

Studio7 yakabvakachira mhuri iyi, makore gumi apera apo VaCollin Mutemagawu nemudzimai wavo, Violet, nemwana wavo Nigel.

Mhuri iyi yakapambwa ndokushungurudzwa kwemwedzi miviri hama neshamwari dzisingazive kuti vaive kupi.

Vakazochengetedzwa zvave kuzivikanwa kuChikurubi kwemwedzi misere vasati vatongwa. VaMutemagawu vanoti kushandiswa kweimba yavo sepanogara munhu ayikwikwidza VaIgnatius Chombo musarudzo zvimwe zvakaita kuti vapambwe nekushungurudzwa.

VaMutemagawu vanoti chinovarwadza zvakanyanya ndechekuti panotaurwa nyaya yevanhu vakashungurudzwa ivo nemhuri yavo havarangarirwe uye vainge vasingapihwe zvinhu zvaipihwa mhuri idzi nekuda kwehuori.

Mudzimai waVaMutemagawu, Amai Violet Mutemagawu, vanoti mwana wavo uyo akapinda mujeri aine gore nemwedzi misere, anofanirwawo kurangarirwa segamba rinowrira kodzero dzevanhu.

Vanoti imba yavo yakaputswa asi nanhasi haina kugadziriswa kunyange pachinzi pane ruyamuro rwakauya.

Imwewo mhuri yakapinda mutsekwende yekupambwa mugore ra2008 imhuri yekwaChinanzvavana. Amai Concilia Chinanzvavana, avo vanomiririra madzimai muparamende mudunhu reMashonaland West, nemurume wavo VaEmmanuel Chinanzvavana, vamwe vevanhu vapfumbamwe vakapambwa kuBanket.

Amai Chinanzvavana ihengo inoona nezvekuyamura kwevanenge varohwa kana vaputsirwa midziyo nekuda kwemhirizhonga yezvematongerwo enyika. Vanoti vakaumba bazi reMDC Veterans Association iro rinopemha kuti riyamure vase vane zvinetswa.

Amai Chinanzvavana vanoti vakavakira dzimba kune avo vakaputsirwa dzimba uye vari kuendesa vana nherera dzebato ravo kuzvikoro.

Gweta guru VaDavid Coltart vanoti chinhu chinoshamisa ndechekuti vanhu vashoma ndivo vanotaurwa nezvavo zvakanyanya kudarika vamwe.

VaColtart vanoti vanhu vakawanda vakatsakatika mushure mekutorwa zvechisimba mudzimba dzavo pakati pehusiku kunyanya nguva yeGukurahundi.

VaColtart vanoti hurumende yevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, yainge yakafanana neyaVaIan Douglas Smith sezvo vanhu vakawanda vakatsakatika muhutongi hwavo.

Munhu anozivikanwa zvakanyanya akanyangarika munguva yahutongi hwaVaSmith ndiVaEdson Sithole avo vakapambwa pahotera yeAmbassador muHarare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG