Accessibility links

Breaking News

Studio7 Inosvitsa Makore Gumi neMana Ichitepfenyura


Foreign tourists wearing face masks visit the Taj Mahal under heavy smog conditions, in Agra, India. As smog levels exceeded those of Beijing by more than three times, authorities also parked a van with an air purifier near the iconic 17th-century marble mausoleum in a bid to clean the air, the Press Trust of India reported.
Foreign tourists wearing face masks visit the Taj Mahal under heavy smog conditions, in Agra, India. As smog levels exceeded those of Beijing by more than three times, authorities also parked a van with an air purifier near the iconic 17th-century marble mausoleum in a bid to clean the air, the Press Trust of India reported.

Nhepfenyuro yeStudio7 yasvitsa makore gumi nemana itipfenyura zviri kuitika muZimbabwe.

Vanhu vazhinji munyika vanoti vari kufarira zvikuru nhepfeunyuro iyi, vamwe vachiti Studio7 inofanira kuwedzera nguva dzekutepfemyura.

Asi vamwe vanoti Studio7 inofanira kutepfenyura iri munyika sezviri kuitwa nedzimwe nhepfenyuro vachiti pari zvino zvairi kuita zviri kunze kwemutemo.

Mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaObert Gutu, vakorokotedza Studio7 nekusvitsa kwayaita makore gumi nemana iri pamhepo.

VaGutu nevamwe vakawanda munyika vanosanganisira vanhuwo zvavo, pamwe nemasangano akazvimirira, vanoti Studio7, inhepfenyuro inopa vanhu vese mukana wekutaura zvisinei nekuti vakarerekera divi ripi.

Mumwe mugari wemuHarare, Amai Winnie Mambo, vanoti Studio7 inhepfenyuro inovapa nhau dzakasiyana nedzimwe nhau dzavanonzwa pane dzimwe nhepfenyuro dzemuZimbabwe.

Vanotiwo vanonzwa paStudio7 nhau dzezvinhu zvinotika munyika dzichipakurwa pachena.

Mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube, VaKurauone Chihwai, vanoti Studio7 inhepfenyuro inowanzopa mukana kumapato ese ezvematongerwo enyika uye inosvikawo kunzvimbo zhinji munyika dzisingasvikwe nedzimwe nhepfenyuror dziri munyika.

VaGutu vanoti mukurumbira une Studio7 kumaruwa unoratidza kune inofarirwa neveruzhinji zvakanyanya.

Asi kunyange hazvo paine mufaro nemabasa eStudio7, vakawanda vanotiwo dai nhepfenyuro iyi yavandudzawo mashandiro ayo.

Asi Amai Mambo vanoti nhepfunyuro yeStudio 7 iri kuwanza nyaya dzemuHarare uye dai yatepfenyurawo nhau dzekumaruwa.

Ukuwo VaChihwai vanoti shuviro yavo ndeyekuti dai Studio7 yatepfenyurawo nemimwe mutauro inotaurwa munyika.

VaGutu vanoti kunyange hazvo pane nhepfenyuro dzakawanda dzakapihwa marezenisi makore mashonana apfuura, nhepfenyuro idzi dzinenge dzinotaura neizwi rimwe chete.

Chikumbiro chaVa Gutu nebato ravo ndechekuti dai yawedzera nguva yekutepfenyura uyewo kuti dai yatepfenyura nemimwe mitauro yakaita seVenda, Tonga nemimwe.

Mumwe wevechidiki muHarare, VaDenford Ngadziore, vanoti dai Studio7 yatotanga terevhizheni chaiyo.

Asi nhengo yeZanu PF zvakare vachimirira Makonde muparamende, VaKindness Paradza, vanoti ivo nebato ravo havafariri Studio7 nekuti inotepfenyura zvisiri pamutemo uye ichitepfenyura kubva kunyika inovengana neZimbabwe.

Vati Studio7 kana ichida kuwirirana nehurumende yeZanu PF, inofanira kunyoresa kuZimbabwe Media Commission yoshanda zviri pamutemo.

Vati semaonero avo nhepfenyuro yeStudio7 inotaura manyepo uye inotsigira mapato anopikisa.

Kunyange hazvo VaParadza vati bato ravo harifariri Studio7, vazhinji kusanganisira makurukota ehurumende, vatsigiri pamwe nenhengo dzeparamende, kusanganisira dzeZanu PF, dzinoteerera nhepfenyuro iyi, kana kutaura paStudio7.

Asi VaParadza vanoti havanganyarari kana vabvunzwa mubvunzo.

Asi veStudio7 vanoti vari kutepfenyura zviri pamutemo sezvinodiwa nemitemo yekutepfenyura pasi rose kunyange hazvo vamwe muhurumende yeZimbabwe vasingazvifarire.

Mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vanoti Studio7 inhepfenyuro iri kuita basa guru munyika zvikurusei pakupakuranhau dzine mativi ese mungava munyaya dzezvematongerwo enyika, hupfumi nezvimwe.

Vanoti dai zvaibvira nguva inotepfenyura Studio7 yawedzerwa.

Mukuru weZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisai Ruhanya, avo vaive mutapi wenhau kuDaily News apo pakatanga Studio7 muna 2003, vanoti nhepfenyuro iyi yakaita basa guru panyaya yekuburitsa nyaya yeZimbabwe.

VaRuhanya vanobvumirana naVaMudzengi vachiti Studio7 iri kutorwadzisa vateereri vayo nekutepfenyura kwenguva pfupi.

Vanoti dai Studio7 yaitawo nhau dzemangwanani nemasikati kwete kutepfenyura manheru chete.

VeMedia Insitute of Southern Africa - Zimbabwe Chapter, vatenda zvikuru Studio7 nekuramba yakashinga nebasa ravo zvisinei nekuti hurumende yakamira mira zvikuru sei panguva yehurumende yemubatanidzwa kuti nhepfenyuro iyi ivharwe.

Vanoona nezvekushambadzwa kwezvirongwa musangano iri, VaTabani Moyo, vanoti chimwe chasimbisa Studio7 inyaya yekuti nhepfunyuro iyi yaramba ichiburitsa nyaya dzinofarirwa neveruzhinji.

Vatsinhirawo mashoko evamwe ekuti Studio7 inofanirawo kupinda mumaruwa ichiburitsa nyaya dzevanhu vakawanda munzvimbo idzi avo vari kushaya kwekutaura nhunha dzavo.

Vatiwo kunyange hazvo munyika mave nenhepfenyuro dzakawanda, zhinji dzacho dzakarerekera divi rimwe izvo zvisingabatsire nyika neveruzhinji.

Studio7 yakaparurwa nechirongwa cheChirungu musi wa 27 Ndira, 2003 apo zvinhu zvakange zvakaoma munyika munyaya dzekutora nhau, kutepfenyura pamwe nekufambiswa kwemashoko munyika.

Zvirongwa zveNdebele neShona zvakazotanga kutepfenyurwa musi wa 7 Kubvumbi 2003.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:09:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG