Accessibility links

Breaking News

Vadzidzi paGreat Zimbabwe University Voronga Kuratidzira Kune Mutsindo


Zinasu
Zinasu

Vadzidzi vepachikoro cheGreat Zimbabwe University vanoti vari kuenderera mberi nekuratidzira mwedzi uno vachinyunyutira mari dzechikoro dzavanobhadhariswa dzakawandisa.

Vadzidzi ava vanotiwo vacharatidzira kusafara kwavo zvichitevera kumbomiswa zvidzidzo kwegore rose kwemunyori mukuru wavo musangano re Students Representative Council, VaKudakwashe Mugapu, vachipomherwa mhosva yekukurudzira kuti vadzidzi vaite mhirizhonga.

Mumwe wevatungamiri wevadzidzi, VaKeith Chingwe, vanoti ratidziro yavari kuronga kuita ndeyekuratidza kusafara kwavo nemari dzakakwidzwa dzekuita zvidzidzo zvinoratidza hunyanzvi, kana kuti Practicals, kubhadhara mari yechikoro vari pakudzidzira basa, pamwe nemari dzekugara pachikoro dzakawandisa idzo vari kubhadhariswa.

VaMugapu vanoti havasi kufara nekuti vaida kuita zviri pamutemo wenyika zvekurwira kodzero dzevadzidzi, izvo zvakaita kuti varangwe.

Asi vadzidzi vanoti havasi kuzotarisa mumwe wavo achimiswa zvidzidzo zvake, nokudaro vari kuendesa chikoro ichi kumatare edzimhosva.

Mumwe mudzidzi, VaGivemore Nyamuranga, vanoti vave mushishi rekugadzira mapepa avo ekudare guru redzimhosva vachibatsirwa nesangano remagweta re Zimbabwe Lawyers for Human Rights kuti mumwe wavo adzoswe kuchikoro.

VaMugapu vakapuwa tsamba yekumiswa chikoro kwegore rose nemukuru weGreat Zimbabwe University, Vice Chancellor Professor Rungano Zvobgo, musi wa 1 Gunyana.

Professor Zvogbo vati havakwanisi kutaura neStudio 7parunhare vachiti vari kuGhana.

Asi vadzidzi vati vari kuenderera mberi nechirongwa chekufamba munzvimbo dzinodzidzirwa dziri pakasiyana siyana mudhorobha reMasvingo vachikurudzira vamwe vavo kuti vapinde mumigwagwa musi wa 14 Gunyana.

Vadzidzi vanoti chikoro chakawedzera mari idzi pasina kuwirirana navo uye, vari kubvisa mari yekugara pachikoro asi vachishaya pekugara.

Vanotiwo mari yechikoro yavanobhadhariswa inoita mazana mashanu nemakumi mapfumbamwe emadhora, yakawandisa zvikuru.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG