Accessibility links

Breaking News

Mutambi weNhabvu ane Mukurumbira, David Yogi Mandigora, Anoshaya


Mandigora akatamba nhabvu kuchikwata chine mukurumbira cheDynamos pamwe nechenyika chemaWarriors.
Mandigora akatamba nhabvu kuchikwata chine mukurumbira cheDynamos pamwe nechenyika chemaWarriors.

Mhuri yenhabvu muZimbabwe yapinda mukuchema zvichitevera kushaya kwemutambi akaita mukurumbira ari kuchikwata cheDynamos pamwe nechenyika chemaWarriors, David "Yogi" Mandigora, uyo akavewo zvakare mutambi wekutanga kutora mukombe weSoccer Star of the Year nyika yawana kuzvitonga muna 1980.

Mandigora ashaika kwapera zuva rimwechete imwe yeshamwari dzake VaCharles Mabika, vaunganidza mari kuti arapwe gumbo reruboshwe iro ranga richimutambudza.

VaMabika vanoti vari kurwadzikana zvikuru nekushaya kwaMandigora uyo ashaikira kumba kwake kuVainona muHarare neMugiovera mangwanani.

Mandigora, uyo anga ave nemakore makumi matanhatu nemana ekuberekwa, anga achifanira kunovhenekwa gumbo iri kuchipatara nhasi.

Rimwe gumbo rekurudyi rakadimburwa muna 2017 nechirwere chimwechetecho changa chave kupararira kune rimwe gumbo..

Madandemutande, mudzimba, nemunzvimbo dzekutandarira mhuri yenhabvu muZimbabwe iri kuchema kushaika kwemutambi akaita mukurumbira uyu.

Mandigora akatamba muchikwata cheDynamos chaive nevatambi vaishura mare vakaita saMoses naKembo Chunga, Edward Katswere, Misheck naSunday Chidzambwa, David George, naOliver Kateya.

Mandigora, uyo aizivikanwa zvakare saYogi, akatambira zvakare chikwata chenyika chemaWarriors kwemakore akati wandeyi uyezve aive muchikwata cheZimbabwe che kutanga chakarova Zambia 2-1 muna 1980.

Clayton Munemo uyo akatamba muchikwata chimwechete naMandigora anoti arwadzikana zvikuru nekushaya kwaYogi.

Vaimbove mukuru wesangano revatsigiri venhabvu reZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaEddie Chisveto vanoti mhuri yenhabvu Zimbabwe yese yarasikirwa zvikuru.

Mandigora, uyo akamborairidza zvekare Lancashire Steel akasvitsa Dynamos muma semi fainari eCaf Champions League muna 2008.

Mandigora akaberekerwa mumhuri yevana gumi, vasvikana vanomwe nevakomana vatatu iye ari wechinomwe.

Hurongwa hwekuradzikwa kwake hwange husati hwaziviswa apo taenda pamhepo.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG