Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vogadzwa seMutungamiri weNyika neChishanu


Zimbabwe's former Vice President Emmerson Mnangagwa, who is to be sworn in to replace Robert Mugabe as president, addresses supporters in Harare, Zimbabwe, Nov. 22, 2017.

Mutungamiri weZanu PF mutsva, VaEmmerson Mnangagwa, ndivo vave kutora chigaro chemutungamiri wenyika zvichitevera kusiya basa iri neChipiri kwakaitwa nevanga vari mutungamiri wenyika,VaRobert Mugabe.

VaMnangagwa vari kugadzwa semutungamiri wenyika mutsva nemusi weChishanu pahurongwa huchaitirwa kuNational Sports Stadium muHarare.

Vatungamiri venyika dzemuSADC vari kutarisirwa kunge vari pahurongwa uhu.

Mushure maizvozvo vanotarisirwa kudoma makurukota ava chashanda nawo muhurumende yavo.

Semutungamiri wenyika, VaMnangagwa ndivo vachatara zuva richaitwa sarudzo dzegore rinouya, uye kumirira nyika sezvanga zvichiitwa naVaMugabe.

Pasi pemitemo yenyika, VaMnangagwa vacharamba vari mutungamiri wenyika kusvika panopera temu yanga ichifanirwa kupedzwa naVaMugabe dai vanga vari pabasa.

Izvi zvinoreva kuti VaMnangagwa vachange vari mutungamiri wenyika kwemwedzi misere kana mipfumbamwe chete.

Zvichitevera kurwisana pamwe nekupatsanuka kwange kwave mubato reZanu PF, vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti VaMnangagwa vane basa rakaoma sezvo vachifanira kuona kuti vabatanidza vanhu mubato iri kuitira kuti nyika ifambire mberi.

VaItai Madzivaidze vaudza Studio7 kuti kuregererena kuchanetsa panguva ino muZanu PF sezvo mubato iri manga madyarwa ruvengo rwusina kunaka.

Asi mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vati havawoni chinganetsa VaMnangagwa pakudoma makurukota matsva.

Vati semaonero avo VaMnangagwa vangatonetswa nevamwe vanhu kubva kune mamwe mapato vanenge vachidawo zvigaro muhurumende.

Vatiwo VaMnangagwa vanogonawo kuumba hurumende nevamwe vanhu kubva kune mamwe mapato.

Asi vamwe vakaita saVaOwen Dhliwayo vanoti semaonero avo, VaMnangagwa havafaniri kuita dambudziko sezvo vemamwe mapato vachiti vanofanira kudoma makurukota kubva kubato ravo chete sezvo sarudzo dziri kuitwa gore rinouya.

Pane mamwe makurukota aripo anotarisira kudzorwa mudare remakurukota idzva naVaMnangagwa asi pane vamwe vakatotiza munyika vakaita saVaPatrick Zhuwawo, pamwe nevaimbove mutevedzeri waVaMugabe, VaPhelekezela Mphoko nevamwe vasingatarisirwe kudzorwa muhurumende.

VaMnangagwa, avo vave nemakore makumi manomwe nemashanu, vakadzingwa naVaMugabe masvondo maviri apfuura, vakabva vabuda munyika vachiti vaityira hupenyu hwavo.

VaMnangagwa, avo vanozivikanwa nerekuti Ngwena, vanoshorwa nevanhu vakawanda, zvikuru vekuMatabeleland neMidlands, vachinzi vaive mberi munguva yeGukurahundi, iyo yakasiya yauraya vanhu vakawanda mumatunhu aya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG