Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Haina Mukana Musarudzo Gore Rinouya


Vanhu vari pamusangano weZanu-PF.

Vamwe vanhu vanoti mukana wekuti bato reZanu PF rikunde musarudzo dzegore rinouya mudiki sezvo chimwe chikwata chairwira masimba cheG40 chichigona kuita zveshaisano.

Vanhu ava vanoti nekuda kwekuti chikwata cheG40 chakakundwa pakurwisana kwavaiitika muZanu PF nechikwata cheLacoste kutora masimba emutungamiri wenyika, nhengo dzacho dzinokwanisa kusavhotera mutungamiri mutsva webato uye vave mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, musarudzo dzegore rinouya.

Zvikwata zviviri izvi zvinoti G40, icho chaitsigira Amai Grace Mugabe, neLacoste icho chinotsigira naVaMnangagwa, zvairwira kutora masimba kana VaMugabe vachinge vabva pachigaro.

Kunyange zvanga zvave pachena kuti chikwata cheG40 chainge chave nemukana wakakura wekutora masimba mushure mekudzingwa kwaVaMnangagwa mubato pamwe nemuhurumende, kupindira kwemasoja kwakamutsiridza mukana weLacoste izvo zvakaita kuti VaMnangagwa vatore masimba.

Mumwe mudzidzi wepachikoro chikuru cheUniversity of Zimbabwe, VaOwen Gorejena, vanoti mukana webato reZanu PF kukunda musarudzo dzegore rinouya mudiki zvakanyanya.

VaGorejena vanoti vanofunga kuti nhengo dzechikwata cheG40 dzichavhotera munhu asiri VaMnangagwa sezvo chiitiko chakadai chakamboitika musarudzo dzemuna 2008.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe mugari wemuChinhoyi, Amai Chipo Munonyara, avo vanoti nhengo dzeG40 dzakarwadziwa nekugadzwa kwaVaMnangagwa semutungamiri wenyika, nekudaro dzichatsiva nekuvhotera nhengo yerimwe bato.

Amai Munonyara vanotiwo chimwe chichaita kuti Zanu PF ikundwe ndechekuti VaMugabe, avo vaifungidzirwa kuti vanobirira sarudzo, vanenge vasisipo nekudaro sarudzo dzinenge dzakachena.

Asi nhengo yevechidiki yeZanu PF yekuShackleton muChinhoyi, Sonai Matura, anoti kusawirirana mubato hazvisi zvitsva asi kana voenda kusarudzo vanobatana kurwisa muvengi wekunze izvo zvichaitika musarudzo gore rinouya.

Nyanzvi inoona nezvematongerwo enyika muChinhoyi, VaEdmore Mazarura, vanoti kunyange bato reZanu PF rakachinja mutungamiri, vanhu vakawanda vanotarisa maitiro akaipa ebato kwete VaMnangagwa sedungamunhu.

VaMazarura vanotiwo VaMnangagwa munhu asingadikwe nevanhu vanovhota, vakapa muenzaniso wekukundwa kakawanda kwakaitwa VaMnangagwa nenhengo yeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaBlessing Chebundo, musarudzo dzeparamende muKwekwe Central.

Vamwe vanoti bato reZanu PF ranga rasviba nekuda kwezvinhu zvakawanda zvinosanganisira huori hwanga hwatekeshera munyika, kushaikwa kwemabasa, hupfumi hwaenda kumawere pamwe nekuvharwa kwemakambani uko vanoti VaMnangagwa havakwanise kugadzirisa sarudzo dzisati dzaitwa kuti vakwezve vanhu.

Vanotiwo VaMnangagwa munhu anozivikanwa nekukundwa musarudzo dzemunyika pamwe nedzemubato.

Vachitaura pavakagadzwa semutungamiri wenyika neChishanu chapfuura, VaMnangagwa vakati sarudzo dzichaitwa gore rinouya sezvanga zvakarongwa uye sezviri mubumbiro remitemo yenyika.

Arthur Chigoriwa Anotipa Nyaya Iyi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG