Accessibility links

Breaking News

Mamwe Makambani Ozorwa Mafuta eNguruve Yaasina Kudya paNyaya yeKuburitswa kweMari Kunze kweNyika


Doolaarii Ameerikaa fi Yuroo
Doolaarii Ameerikaa fi Yuroo

Vamwe vana muzvinabhizinesi vari kushora zvikuru hurumende nekubudisa mazita evanhu nemakambani anonzi akabudisa mari kunze kwenyika zvisiri pamutemo vachiti hurumende haina kuita tsvakiridzo yakakwana sezvo vamwe vane mazita akabudiswa vasina mhosva dzavakapara.

Izvi zvabuda pamusangano wakokerwa neZimbabwe National Chamber of Commerce neChina muHarare vamwe vemabhizimusi vachiti vakasvibiswa mazita avo zvakanyanya nehurumende izvo zvokanganisa mabhizimusi avo.

Mukuru weGlobal Solar LED Bulbs, VaJeffree Rugare, vati vakatoshamiswa vachiona kambani yavo yakanyorwa pavanhu vanonzi vakabuditsa mari asi ivo vachizvichenura panyaya iyi.

VaRugare vaudza musangano uyu kuti chinonyanyovarwadza ndechekuti izvi zvakasvibisa kambani yavo kunyange hazvo vachiti hazvina chokwadi mukati.

Mukuru weZNCC, VaChristopher Mugaga, vatiwo shuviro yavo ndeyekuti zvabuda mumusangano wavaita zvisvike kumutungamiri wenyika kuti azive kuti vamwe vevari kupomerwa kubudisa mari zvisiri pamutemo vakachena panyaya idzi.

VaMugaga vatiwo mabhizimusi ari kunyunyutawo zvikuru achiti hurumende inenge iri kukoshesa mabhizimusi ekunze ichitsikirira vemabhizimusi emuZimbabwe.

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvemari, VaTerence Mukupe,vati hurumende yakaita zvayaifunga kuti ndozvingabatsira nyika. VaMukupe vati vose vari kuti vakachena vanofanirwa kutora matanho ekuratidza humbowo hwekuti havana mhosva.

Vachipindura kunyaya iri kupomerwa hurumende yaVaMnangagwa yekuti vanhu vakabudisa mari zhinji huye vachizivikanwa munyaya dzezvematongerwo enyika havana kunyorwa mazita avo, VaMukupe vati vanhu vane ruzivo nezvevamwe vakabudisa mari ngavazivise hutungamiriri pamwe nemapurisa.

Gweta rine mukurumbira munyika, VaTendai Biti, vatiwo mutemo yenyika haina kugadziriswa zvakakwana kuti ubate vanobudisa mari, uye vakurudzira kuti kunyatsonyorwa mutemo unobata vanobudisa mari.

Vemabhizimusi vatiwo hapana tsananguro yakazara inoratidza kuti chinonzi externalization yemari chii huye chii chinonzi nehurumende “Illicit Financial Flows.”

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG