Sangano rinoona nezvesarudzo munyika, reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, razivisa neMuvhuro kuti ndiro rave kuita mabasa ose ekunyoresa vavhoti uye richatanga kunyoresa vavhoti munyika yese kana richinge raongorora zvakabuda mukunyoresa kwarakaita vavhoti musarudzo dzichaitwa kuMt Darwin West nekuChirumanzu-Zibagwe mwedzi unoouya.
Vachitaura pamusoro pegadziriro iri kuitwa nekomisheni yavo pamusoro pesarudzo, dzekutsvaga vachatora zvigaro zveparamendezvakasiyiwa nevaimbova mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, Amai Joice Mujuru, pamwe nemumwe wevatevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, sachigaro wekomisheni iyi, Justice Rita Makarau, vati havasi kuzoshandisa gwaro revavhoti rekwaRegistrar-General musarudzodz idzi.
Amai Makarau vati komisheni yavo yakatonyoresa vavhoti munzvimbo mbiri idzi uye ichatanga chirongwa chekunyoresa vavhoti munyika yese kana sarudzo munzvimbo mbiri idzi dzapfuura.
Vati kunyoresa kwavakaita vavhoti kuMt Darwin neChirumanzu-Zibagwe kuchaburitsa pachena kuti komisheniyavo inokwanisa here kana kuti kwete kuita basa rekunyoresa vavhoti.
Gwaro revavhoti raishandiswa musarudzo dzapfuura raitwa nebazi rekwa Registrar-General uye vazhinji zvikuru sei vemapato anopikisa vange vasingafari negwaro iri vachiti rainge riine vanhu vakafa uyewo vanhu vazhinji vainge vakanyorwa munzvimbo dzavasingavhoteri.
Asi zvichitevera kuvandudzwa kwemitemo yesarudzo gore rapfuura, mabasa ese ezvesarudzo, kusanganisira kunyorwa kwevavhoti, kwave kuitwa nekomisheni inoona nezvesarudzo.
Amai Makarau vazivisa kuti gadziriro yesaurdzo mbiri idzi dziiri kufamba zvakanaka uye komisheni yavo yakadzisisa vavhoti kodzero dzavo musarudzo ichishanda nesangano reZimbabwe Election Support Network.
Amai Makarauvati kunyange hazvo vaida madhora mamiriyoni maviri nechidimbu kuita sarudzo idzi, bazi rezvemari rakadzikisa mari iyi kusvika pamiriyoni nemazana mashanu ezviuru zvemadhora.
Vaenderera mberi vachiti komisheni yavo ichapinza basa vanhu vanovhotesa vanodarika mazana masere vachange vachishandira panzvimbo zana nemakumi mana dzekuvhotera muma constituency maviri aya.
Vatiwo komisheni yavo ine dambudziko rekushaya motokokari dzakanaka sezvo motokari dzekomisheni iyi dzakasakara.
VatiwokambaniyeCentral Mechanical Equipment Department iri kuramba kuti vashandise motokari dzayo sezvo vasati vabhadhara kushandisa kwavakaita motokari dzekambani iyi pasarudzo dzemuna 2013.
Pane vanhu vashanu kusanganisira mudzimai waVaMnangagwa, Auxillia vari kukwiwkidza kuChirumhanzi-Zimbabwe kozoti pane vanhu vana vari kukwikwidzana kuMt Darwin West pasurdzo dzichaita musi wa 27 Kurume.