Accessibility links

Breaking News

IMF Yoshushikana neDambudziko reZimbabwe


Chikwata chesangano reInternational Monetary Fund, IMF, icho chiri munyika kuzoongorora mashandiro echirongwa chekugadzirisa hupfumi hwenyika chinoti chinobvumirana nehurumende kuti hupfumi hweZimbabwe haugoni kusimukira pasina rubatsiro rwemari kubva kumasangana akaita neIMF, World Bank nemamwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura pamusangano wavaita nenhengo dzedare reparemende dziri mukomiti inoona zvemari, mukuru wechikwata ichi, VaDomenico Fanizza, vati Zimbabwe inofanira kugadzirisa hukama hwayo nemasangano aya nedzimwe nyika kuitira kuti hupfumi hwayo hufambire mberi.

Vati zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika vachiti makore akawanda nyika isina rubatsiro kubva kunze anoita kuti zvinhu zviome munyika.

Vati nekuda kwaizvozvo, zvakakosha kuti Zimbabwe iite zvese zvakabvumiranwa pachirongwa cheStaff Monitored Program sezvo chiri icho chinhanho chekutanga mukugadzirisa hukama hwayo nemabhanga ekunze pamwe nenyika dzinopa rubatsiro.

Chirongwa ichi chinosungira kuti Zimbabwe ibate mari zvakajeka, ishandure mashandiro emabhanga pamwe nebanga guru renyika.

Zimbabwe inosungirwawo kujekesa mutemo wekupa masimba ehupfumi kuvatema.

Vati kunyange hazvo izvi zvakaoma kuita, zvinofanirwa kuitwa kana nyika ichida kugadzirisa hukama hwayo nedzimwe nyika nemasangano akaita seIMF.

Asi VaFanizza vati zvinofadza kuti Zimbabwe inenge iri kutora gwara rakanaka pachirongwa ichi sezvo pane zveshanduka pamafambisirwo ari kuitwa hupfumi munyika.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti kunyange hazvo pane zvashanduka hurumende ichiri kusangana nematambudziko akawanda ayo anogona kuvhiringa hurumende nekuitadzisa kuzadzikisa chirongwa cheStaff Monitored Program.

Imwe yenyanzvi idzi, VaNyasha Muchichwa, vanoti Zimbabwe inofanirwa kugadzirisa dambudziko rehomwe yehurumende sezvo iine vashandi vehurumende vakawandisa, kusashandiswa zvakanaka kwemari yehurumende pamwe nekusajeka kwemutemo wekupa masimba ehupfumi kuvatema.

VaMuchiwa vanoti izvi ndezvimwe zvezvinhu zvinogona kuvhiringa chirongwa ichi.

Pabvunzwa VaFanizza kuti sei IMF isiri kubatsira Zimbabwe sezvairi kuita Greece iyo iri kutatarikawo munyaya dzehupfumi, VaFanizza vati vanobatsira nyika dzine zvikwereti, uye vanokwanisa kubatsira Zimbabwe chete kana pachinge pave newirirano pakuti ichabhadhara chikwereti chayo sei.

IMF iri kubatsira Zimbabwe kugadzirisa hupfumi hwayo pamwe nezvikwereti zvayo kuitira kuti ikwanise kudyidzana nedzimwe nyika. VaFanizza vati izvi zvichaitika chete kana chirongwa cheStaff Monitored Program chabudirira muZimbabwe.

Chikwereti cheZimbabwe chemukati menyika nekunze chave kudarika mabhiriyoni gumi emadhora.

XS
SM
MD
LG