Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro, Ndira 04, 2021


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vanhu vatatu vofa neCovid-19 vamwe mazana manomwe nemakumi manomwe nevana, kana kuti 774, vachibatwa nechirwere ichi nezuro.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvobatwa zvichiyedza kupoya pamabhodha ekuBotswana neSouth Africa apo nyika mbiri idzi dzosimbaradza kudzivirira miganhu yadzo.

Hurumende yopikisa kuti meya weHarare vakamiswa basa VaJacob Mafume vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump pamwe nevakasarudzwa kuve mutungamiri wenyika vakamirira kugadzwa, VaJoe Biden votarisirwa kuenda kudunhu reGeorgia kunobatsira nhengo dzemapato avo kutsvaga rutsigiro musarudzo yeseneti iyo iriko mangwana.

Mitambo yeCricket yombomiswa nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya yekuti vanhu vagare mudzimba kwemazuva makumi matatu uye kutambidzanwa masimba muAmerica.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG