Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Zvita 22, 2020


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vanhu vaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pamazana matatu nemakumi maviri nevaviri.

Hurumende yokwidza mitero pazvinhu zvose munyika izvo nyanzvi munyaya dzehupfumi dziri kuti munongedzo wekuti hupfumi hwenyika hauna kumira zvakanaka izvo zviri kupa kuti hurumende itatarike kuunganidza mari yekushandisa mubhajeti regore rinouya.

Zimbabwe inocherechedza zuva reUnity Accord zvichitevera chibvumirano cherunyararo chakanyoreranwa nevachakabvu VaRobert Mugabe naVaJoshua Nkomo

Muzinda weZimbabwe muBotswana wobatsira nemagwaro ekufambisa zvizvarwa zveZimbabwe zvigere muBotswana zvisiri pamutemo kuitira kuti zvibude munyika iyi zviri pamutemo zvichishandsa ma Emmergenct Travel Documents.

Vemabhazi nemakombi vokwidza mari dzekutakura vanhu pamberi pezororo rekisimusi negore idzva

Studio7 inotarisa zvakadzama zviri kuitika muAmerica munyaya dzematongerwo enyika.

Mutori wenhau dzemitambo ane mukurumbira munyika, Tendai Ndemera, ashaya.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyaya dzekurwisa chirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm .pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG