Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro 30 Kubvumbi, 2018


Misoro yeNhau

Sarudzo dzekutsvaga vachamirira bato reZanu PF musarudzo, kana kuti primary elections, idzo dzakatadza kupera nezuro, dzinoenderera mberi mune mamwe matunhu, asi mune dzimwe nzvimbo dzichinonotswa nekuda kwematambudziko akasiyanasiyana…

Kunonoka kuendeswa kwemapepa ekuvhotesa kunononotsa sarudzo dzema primary eZanu PF kuChikanga, kuManicaland...

Bato reMDC-T rinotungamirirwa naVaNelson Chamisa rinozivisa mazita evanhu vachakwikwidza musarudzo dzekutsvaga vachamirira bato, kana kuti ma primary election…..

ZEC inozivisa kuti gwaro rekutanga revavhoti kana kuti provisional voter’s roll ravepo, uye veruzhinji vanokwanisa kuenda kunoongorora gwaro iri pakati pemusi wa 19 na 29 Chivabvu unove mwedzi unouya, kuitira kugadzirisa zvinenge zvakakanganiswa….

Nyanzvi dzezvehutano pamwe neveruzhinji votaura pamusoro pedanho rehurumende rekubvumidza kurimwa kwembanje kuti ishandiswe mukurapa varwere…..

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa nezvedanho rehurumende zvekubvumidza kurimwa kwembanje kuti ishandiswe mukurapa varwere….

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, 15460 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Kilohertz Short Wave.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Misoro yeNhau, Muvhuro, Kubvumbi 30, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG