Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chitatu, Zvita 30, 2020 


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vanhu vashanu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pamazana matatu nemakumi mashanu nevapfumbamwe.

Hurumende inozivisa kuti yambomisa kuvhurwa kwezvikoro nepamusana pedambudziko rechirwere cheCovid-19

Nyanzvi mune zvehutano iri muAmerica iri kukurudzira veruzhinji kuti vabaiwe nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19, ichiti ndiyo chete nzira inokwanisa kuti pasi rose ribude mudambudziko iri.

Hurumende, vemachechi nemamwe masangano anopa rubatsiro vave kuita chipatapata kuyedza kudzivirira vanhu kuManicaland kuti vasarasikirwe nehupenyu nekuda kwemafashamu emvura nedutumupengo remhepo riri kunzi Cyclone Chalane.

Vachangosarudzwa zvine mutauro semutungamiri weMDC-T akatsiva muchakabvu VaMorgan Tsvangirai, VaDouglas Mwonzora, vanodoma nhengo dzeNational Standing Committee.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa dambudziko rechirwere cheCovid-19, kuti danho reSouth Africa rekudzika mutemo weLevel 3 lockdown rinosiya papi zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi, pamwe nemafashamu nedutumupengo Cyclone Chalane, iro riri kutarisirwa kurova matunhu ari kuManicaland.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm .pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG