Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chipiri, Mbudzi 16, 2021 


Misoro yeNhau

Amai Marry Chiwenga, mudzimai wemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga wavari kunetsana navo kumatare vokumbira United Nations kuti ivabatsire kuona vana vavo.

VeUNICEF neEuropean Union vopa mapurisa emuZimbabwe michina yechizvino zvino kana kuti DNA Analysis yekushandisa kuunganidza humbowo panyaya dzekubatwa chibharo nekuponda.

Sangano revarairidzi reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, ARTUZ, rinoti nhengo dzaro dzapinda muzuva repiri nhasi dzichiramwa mabasa dzichida kuti hurumende idzose mihoro yaitambirwa nevarairidzi muna 2018, uye kuti vachanyoresa bvunzo gore rino vabhadharwe.

Asi bazi redzidzo yepasi rinoti harisi kunyanya kubatikana nekuramwa mabasa kwenhengo dzeARTUZ uku sezvo varairidzi vanodarika zvikamu makumi mapfumbamwe nezvishanu kubva muzana vari kuenda kumabasa.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzokurudzira hurumende kuti ishandise dzimwe mhando dzemoto kuti igadzirise dambudziko remagetsi ratova chigariro musoro wetsuro kushaya nyanga munyika.

Muchirongwa chatinodarika nevechisiki cheThe Connection na8 pm manheru ano tiri kutarisa zvaitwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kusimudzira vechidiki kubva zvavatora masimba mushure mekupidigurwa kwamushakabvu Robert Mugabe nemauto muna Mbudzi 2017.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG