Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, China Ndira 07, 2021 


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vanhu gumi nevatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pamazana mana nemakumi matatu nemumwe chete.

Hurumende inoti iri kushushikana zvikuru nekupararira kuri kuita chirwere ichi.

Vana nyamukuta vepa Harare Hospital vanoramwa mabasa nepamusana pekushaya zvikwanisiro.

Nyaya yekunzi vanhu vambogare mudzimba senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19 yokonzera mutauro vamwe vanorarama nekutengesa zvinhu mumigwagwa vachiti havana chikafu uye vachipomera mapurisa nemauto mhosva yekutyora kodzero dzavo.

Dare reCongress remuAmerica rinopasisa kukunda kwaVaJoe Biden musarudzo yemutungamiri wenyika yakaitwa muna Mbudzi gore rapera. Izvi zvinoitika mushure memhirizhonga yakasiya vanhu vana vafa zvichitevera kuratidzira kwevanhu vaitsigira mutungamiri weAmerica pari zvino, VaDonald Trump, vachiramba kutambira zvakabuda musarudzo iyi.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kusangana nevanhukadzi panguva iyo nyika ichange yakavharwa kwemazuva makumi matatu pasi pehurongwa hweNational Lockdown Level Four.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm .pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG