Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro Ndira 22, 2018


Misoro yeNhau

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanosimuka vakananga kuDavos muSwitzerland uko vari kunopinda musangano wezveupfumi wepagore weWorld Economic Annual Forum.

Hurumende inoyambira veruzhinji kuti vangwarire kupararira kwechirwere che Cholera uye kuti vashandise nzira dzine utsanana, zvichitevera kushaya kwevanhu vanba kuChegutu.

Vakafanobata chigaro chemutungamiri weMDC-T, VaElias Mudzuri, vakurudzira hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa kuti iburitse mujeri vasungwa vose vakasungirwa zvematongerwo enyika pasi pehurumende yevaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Vanotengesera mumigwagwa vanoti havasi kuzobva munzvimbo dzavanotengesera, kunyange hazvo maawa makumi mana nemasere avakapiwa nehurumende kuti vabude munzvimbo dzavari kutengesera akwana nhasi, kukundikana kwavo hurumende ichiti ichashandisa mauto kuvaburitsa munzvimbo idzi.

Nhengo yeZanu PF inomirira Zaka East muparamende, VaSamson Mukanduri vanoshaya.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm, tiri kutaura pamusoro pekupera kwemaawa makumi mana nemasere akanga apiwa nehurumende kune vanotengesera mumigwagwa kuti vabve munzvimbo dzavari kutengesera, kukundikana kwavo hurumende inozotumira mauto kunovabvisa. Asi vanotengesera mumigwagwa ava vanoti havasi kuzobva munzvimbo idzi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Misoro yeNhau Dzanhasi, Muvhuro, Ndira 22, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG