Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro Zvita 23, 2019


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Mapurisa anovhiringidza hurongwa hwekupa rubatsiro rwezvekudya nezvekupfeka kune vanoishaya mumusha we Highfield hwanga huchitungamirirwa nenhengo inomirira Highfield West, VaHappymore Chidziva vebato re MDC Alliance..

Apo Zimbabwe iri kucherechedza zororo rezuva rekubatana kana kuti National Unity Day, mutewedzeri wegurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, VaEnergy Mutodi vanoti vana veZimbabwe vanofanirwa kukoshesa kubatana uku nemwoyo wavo wese.

Veruzhinji vari kuda kufamba pazororo reKisimusi negoredzva vanoti havasi kufara nekukwira kwaita mari dzekubhadhara mumabhazi panguva iyo mafuta edzimotokari asiri kuwanikwa, hurumende ichiti dambudziko rekushayikwa kwemafuta rinogona kutora nguva yakareba kuti rigadziriswe.

Vagari vemuguta reMasvingo vanoti vari kugara vachityira hupenyu hwavo zvichitevera kubuda kwechirwere chiri kufungidzirwa kuti chirwere chemanyoka munzvimbo dzinogara veruzhinji.

Panguva iyo vamwe vari kushanyira hama neshamwari mushure megore rese vasingaonane, vatambi vechikwata cheFC Platinum havasi kuwana mukana wakadai sezvo vanenge vari muCairo, guta guru re Egypt, kumutambo wavo wechitatu weCaf Champions League.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nezvegadziriro yezororo reKisimusi, takanangana nekukwira kwemari dzekuripira pakufamba, mitengo yezvekudya nezvimwe zvakadaro

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG