Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotadza Kubatsira Vana Vanoshaya neMari dzeChikoro


Zimbabwe
Zimbabwe
Apo zvikoro zvakavhurwa neChipiri munyika, hurumende inoti haina mari yekubhadharira vana vangangodarika miriyoni imwe chete mari yechikoro pasi pechirongwa cheBasic Education Assistance Module, kana kuti BEAM.

Mashoko aya ataurwa nemumwe mukuru mubazi rinoona nezvemabasa, vashandi vehurumende pamwe nekuchengetedzwa kwevanhu, VaSydney Mhishi, apo vange vari kutsangura mamiriro akaita bhajeti rebazi ravo regore rino kukomiti yeparamende inoona nezvevashandi nekuchengetedzwa kwevanhu.

VaMhizhi vati vainge vakumbira bazi rezvemari kuti rivape mamiriyoni makumi manomwe nemashanu emadhora kuitira kuti ribhadharire vana vanoshaya kuti vaite zvidzodzo zvavo.

Asi vakapihwa mamiriyoni gumi nemashanu emadhora chete nebazi rezvemari.

Vati mari iyi inokwanisa kubhadharira vana zviuru makumi masere nezvitatu chete, asi ipo paine vana mazana maviri nemakumi mashanu ezviuru vanoda kubhadharirwa mari yechikoro chesekondari pasi pechirongwa cheBEAM.

VaMhishi vatiwo havana kupihwa mari yekubhadharira vana mazana manomwe nemakumi mashanu ezviuru, vanoda rubatsiro muzvidzidzo zvepasi munyika yese.

Vati kusvikira gore rapfuura hurumende yange iri kubharira vana vesekondari chete uye vezvidzidzo zvepasi vange vachibhadharirwa nemasangano anoshanda akazvimirira.

Asi gore rino masangano aya haasati abuda pachena kuti achapa rubatsiro here kana kuti kwete. Vati kunyange hazvo bumbiro idzva remitemo yenyika richiti dzidzo yepasi inofanira kupihwa pachena, pari zvino hurumende haikwanisi kuita izvi.

VaMhishi vatiwo havazivi kuti sei masangano anopa rubatsiro ari kurega kuisa mari kuBEAM sezvo ongoororo yaakaita iwo yakaratidza kuti chirongwa ichi chakakosha chose mukubatsira vana vanoshaya kuti vaende kuchikoro.

Asi vati vane tarisiro yekuti masangano aya achaisa mari muhomwe yeBEAM vakati kana izvi zvikasaitika, hurumende inofanira kuona zvaingaite kutsvaga mari yechikoro yevana vanobva kumhuri dzinoshaya.

Mune imwewo nyaya, VaMhishi vaudza komiti iyi kuti bazi ravo harizi kuzokwanisa kupa chikafu kumhuri dzese dzine nzara sezvo vakapihwa mari shomanana nebazi bazi rezvemari.

Vati vanoda mamiriryoni gumi nerimwe emadhora kuitira kuti vakwanise kutenga chikafu chevanhu mamiriyoni maviri vakatarisana nenzara.

Asi vati vakapihwa miriyoni imwe nezviuru mazana mashanu zvemadhora pasi peFood Deficit Mitigation Program.
XS
SM
MD
LG