Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Votadza Kutanga Zvidzidzo Zvavo muZimbabwe


Vana vakawanda vatadza kuenda kuchikoro nekuda kwekushaya mari vamwe nekuda kwekushaya nzvimbo sezvo mari dzinodikanwa dzakawanda zvakanyanya.

Vana vakawanda vatadza kuenda kuchikoro nekuda kwekushaya mari vamwe nekuda kwekushaya nzvimbo sezvo mari dzinodikanwa dzakawanda zvakanyanya.

Zvikoro zvedzidzo yepasi (Primary Schools) muChinhoyi zviri kubhadharisa mari iri pakati pezana nemakumi mashanuemadhora kusvika pamadhora zana nemakumi mapfumbamwe kuti mwana atange gwaro rekutanga (Grade One).

Vabereki vazhinji vanoti mari iyi yakawanda, zvikuru sei nekuti chidimu chakakura chemari inobhadharwa ndeyezvirehwa rehwa.

Tsvakiridzo yaitwa neStudio 7 inoratidza kuti mari ine chekuita nedzidzo yemwana ari kupinda mugwaro rekutanga - madhora makumi matatu chete muzvikoro zvakawanda.

Asi zvirehwa rehwa zvakaita senhumbi dzechikoro, mari yekutenga bhazi rechikoro, mari yekuvandudza chikoro ndizvo zviri kudaidzira mari yakawanda iyo vabereki vari kumanikidzwa kubhadhara kuti mwana awane nzvimbo.

Mumwe mubereki, VaLameck Dzinotyiwei, avo vashaya nzvimbo yemwana wavo kuti atange chikoro vanoti nyaya yehuori muzvikoro ndiyo iri kuita kuti vashaye nzvimbo sezvo vakuru vezvikoro vachida chioko muhomwe.

VaDzinotyiwei vanoti mari iri kudiwa pachikoro cheChikonohono inoita madhora zana nemakumi mashanu nemadhora matatu yakawandisa.

Muzvare Gladys Chekero, avo vashayawo nzvimbo yemwana wavo pachikoro cheMhanyame, vanoti vanzi mwana wavo haana kudzidza Early Child Development (Creche) pachikoro ichi.

Mumwe mubereki wekuGadzema, Amai Sithembiso Moyo, vanoti vakatadza kuwana mari yechikoro kuti mwana wavo atange gwaro rekutanga pachikoro cheChinhoyi.

Amai Moyo vaenda kuchikoro nemari isina kukwana vachiti vanozotsvaka imwe nekufamba kwenguva.

Amai Moyo vanoti mari yechikoro inofanirwa kudzikiswa kuti mwana wese akwanise kudzidza.

Amai Chekero vanoti hurumende inofanirwa kuvaka zvimwe zvikoro zvinoenderana nekuvakwa kuri kuitwa misha inogara veruzhinji.

Mukuru webazi rezvedzidzo mudunhu reMashonaland West, VaSylvester Mashayamombe, vanoti vakamirira kutaurirwa zviri kuitika muzvikoro nevakuru vezvikoro kuitira kuti vakwanise kutaura zvizere pane zviri kuitika muzvikoro.

Asi bumbiro remitemo yenyika rinoti vana vose vanofanirwa kuwana dzidzo yepasi pachena.

XS
SM
MD
LG