WASHINGTON D.C. —
Sangano remakurukota enyika nhatu dzeSADC rinoona nezvekuchengetedzwa kwenyika reSADC Troika, rinoti riri kuendesa nyaya yeZimbabwe kuti izeyiwe nemusangano mukuru weSADC.
Makurukota enyika dziri muSADC Troika akakurudzira vakuru vakuru muZimbabwe kuti vaite hurukuro dzekutsvaga runyararo kuitira kuti zvinhu zvisashate munyika.
Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, uye vachidzidzisa pa Mulungushi University kuZambia, Muzvinafundo Shakespeare Hamauswa, vanoti hazvina kuvashamisa kuti mauto akapindira kana pakatariswa zvange zvichiitika munyika masvondo mashomanana apfuura.
Facebook Forum