Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vakanyoresa Hwoitisa Zanu PF Mudumbu?


Emmerson Mnangagwa Switzerland Davos Forum
Emmerson Mnangagwa Switzerland Davos Forum

Zanu PF inoti iri kugadzirira sarudzo zvakasimba nekuvandudza mapazi epasi neSvondo munyika yose.

Nhengo yekomiti yepamusoro yePolitiburo mudunhu reMashonaland West, Amai Prisca Mupfumira, vaudza musangano weProvincial Coordinating Committee, kuti mangwana nhengo dzose zvisinei nezvigaro zvavo zvepamusoro dzinofanirwa kuenda kumasero kwavo kuti kunoona kuti kuchine vanhu here.

Amai Mupfumira vati vanofanirwa kuona kuti nhengo dzavo dzose dzakanyoresa kuvhota here uye kuti masero evanhu ari kuwirirana nepavakanzi vavhotere.

Amai Mupfumira vati bato ravo riri kushushikana zvikuru nehuwandu hwevanhu vakanyoresa kuvhota mumaguta uhwo hwavanoti hwakanyanya nekudaro vanofanirwa kushanda nesimba kuti nhengo dzavo dzisati dzanyoresa kuvhota dzinyorese.

Vachitaura pamusangano mumwechete chipanga mazano chemutungamiri wenyika, VaChristopher Mutsangwa, vati manyepo ekuti vakanoongorora sarudzo dzekuRussia nedonzvo rekubirira sarudzo dzegore rino munyika.

Bato reZanu PF rakaburitsa mitemo ichatevedzerwa mukusarudza nhengo dzaro musarudzo dze primary elections, iyo vakawanda vari kuchema chema nayo.

Izvi zviri kuitika mushure mekupatsanuka kwebato iri pakati pezvikwata zviviri zveG-40 ne Team Lacoste.

Chikwata cheTeam Lacoste ndicho chiri panyaya zvichitevera kupindira kwakaita mauto ayo akabvisa VaRobert Mugabe pachigaro, izvo zvakaita kuti VaEmmerson Mnangagwa vaitwe mutungamiri wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG