Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yononoka Kuburitsa Zvakabuda Musarudzo Zvichitevera Kukakavadzana Kuri Kuitika


President Emmerson Mnangagwa addressing senior members of Zimbabwe ruling Zanu PF party on Oct. 29, 2021 in Bindura about 80km north of Harare (Columbus Mavhunga/VOA)
President Emmerson Mnangagwa addressing senior members of Zimbabwe ruling Zanu PF party on Oct. 29, 2021 in Bindura about 80km north of Harare (Columbus Mavhunga/VOA)

Bato reZanu PF rinoti richiri pakati pekuongorora zvichemo zvevakakwikwidza musarudzo dzemapurovhinzi ebato iri dzakaitwa neChipiri risati razivisa zvakabuda musarudzo idzo dzinonzi hadzina kufambiswa zvakanaka mune mamwe matunhu.

Zvinonzi sarudzo idzi hadzina kufambiswa zvakanaka mune mamwe matunhu zvaita kuti dzimwe nhengo dzebato iri dzakakwikwidza musarudzo dzemapurovhinzi idzi dzikwidze zvichemo kune vakuru vanga vachitungamira kufambiswa kwesarudzo idzi mumatunhu avo.

Vane ruzivo nezviri kuitika musarudzo idzi vati nyaya yemhirizhonga mumatunhu akaita seHarare, Mashonaland Central neMashonaland West iyo inonzi iri kuongororwa pamwe nekunonoka kusvika kwezvakabuda mune mamwe matunhu akazovhota nezuro akaita seMidlands nekuda kwekuti nzvimbo dzaivhoterwa dzakanga dzisingasvikike nekuda kwemvura yakanayisa munzvimbo idzi, ndizvo zvaita kuti zvakabuda musarudzo idzi zvinonoke kuziviswa.

Asi mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati sarudzo dzavo dzakafamba zvakanaka chose vakati bato rato richanzwa zvichemo zvevose vari kugunun'una vanosanganisira vamwe vakarambidwza kukwikwidza musarudzo idzi kwasara maawa mashomanana kuti sarudzo idzi dzitange.

VaMugwadi vati zvichabuda musarudzo idzi zvichazviswa nenguva yakafanira kana vapedza ongororo dzavari kuita.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reElection Resource Centre, VaSolomon Bobosibunu vati nyaya yemhirizhonga pamwe nekushandiswa kwechikafu musarudzo idzi inyaya yavari kushushikana nayo pose panoitwa sarudzo zvavanoti vari kutyira kuti zvinogona kuzokanganisa kufambiswa zvakanaka kwesarudzo dzemuna 2023.

Musarudzo dzeZanu PF idzi munonziwo makabuda vanhu vakawanda mumatunhu akaita seMasvingo, Mashonaland East, Mashonaland Central neMashonaland West vachinovhota musarudzo idzi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaRashweat Mukundu, vati mapato anopikisa anofanira kusunga dzisimbe kuti agokunda mumatunhu aya kunyange hazvo vachiti vanhu vazhinji vakakwezvwa nechikafu chaipihwa vanhu nevaikwikwidza musarudzo dzeZanu PF idxi.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti Amai Mary Mliswa Chikoka vanove gurukota redunhu reMashonaland West ndivo vari kutungamira mukuveregwa kwezvakabuda musarudzo dzasachigaro wedunhu ravo, ukuwo gurukota rinoona nezvinoitika mukati menyika, VaKazembe Kazembe, vachinziwo vari kutungamira pane zvakabuda pasarudzo dzasachigaro wedunhu reMashonaland Central.

Vaimbove mutungamiri wesangano revakarwa muhondo yerusunguko, VaJabulani Sibanda vanonziwo vakatungamira pasarudzo dzasachigaro wedunhu reBulawayo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG