Accessibility links

Breaking News

Vanorwira Kodzero dzeVanhu Vanoti AU Ngaikurudzire Zimbabwe Kuchengetedza Kodzero dzeVanhu.


Masangano anorwira kodzero dzevanhu munyika atumira nhumwa kumusangano wechimakumi mashanu nemana weAfrican Commission on Human and Peoples Rights.

Masangano eZimbabwe Lawyers for Human Rights neZimbabwe Human Rights NGO Forum ndiwo ndiwo ari kumusangano uyu, uyo unotarisa nyaya dzekodzero dzevanhu muAfrica.

Masangano aya anyora tsamba kuna sachigaro wekomisheni iyi, Amai Catherine Dupe Atoki, achiti kubva zvakapera sarudzo, vanopikisa Zanu-PF pamwe nemasangano akazvimirira vari kushungurudzwa munyika.

Masangano aya anotiwo kutorwa zvakare kwemapurazi vanhu vachidzingwa yava kuramba ichienderera mberi.

Vanorwira kodzero dzevanhu ava vanoti munyika muchiri kuita semakaberekera ingwe nekuti kana kuratidzira kuchiri kurambidzwa uye vanhu vanenge vachiratidzira, kusanganisira madzimai akaita senhengo dze Women of Zimbabwe Arise, WOZA vari kurohwa nemapurisa.

Izvi zvakaitikawo kumadzimai evashandi vekuHwange avo vakarohwa nemapurisa mushure mekunge vapinda mumigwagwa vachiratidza kusafara nekusabhadharwa kuri kuitwa varume vavo.

Masangano aya ari kushorawo hurumende nekusora kwairi kuita nharembozha netsambambozha dzevanhu.

Mukuru weZimbabwe Human Rights NG0 Forum, VaAbel Chikomo, vanoti Zimbabwe senhengo yeAfrican Union inofanira kucherechedza kurudziro dzeAfrican Commission munyaya dzekodzero dzevanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG