Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anotora Mushandi weZimRights


Mapurisa asecha neChina mahofisi esangano rinorwira kodzero dzevanhu ndokutora mumwe mushandi wesangano iri vachinomubvunzurudza kuHarare Central.

Mapurisa asvika pamahofisi eZimbabwe Human Rights Association, ZimRights, achiti anoda kusecha mahofisi aya, pakupedzisira pacho ndokubva azotora vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa zveZimRights, VaLeo Chamahwinya, ndokuenda navo.

Gweta raVaChamahwinya, Va Trust Maanda, vati havasati vaziva kuti mapurisa ari kuda kupomera VaChamahwinya mhosva ipi.

Zvinonzi mapurisa aya asecha mahofisi aya achiti ari kutsvaga mapepa ane chekuita nekunyoreswa kwevanhu sevavhoti. Vane ruzivo nezvaitika pamahofisi aya vanoti mapurisa aya abvunzurudza vashandi vesangano iri nezvemapepa ekuvhota anonzi ndiwo nemapurisa ari kushandiswa nevanhu zviri kupedzisira zvaita kuti ZimRights iruze mari yakawanda.

Mumwe mushandi we ZimRights uyo aramba kudomwa nezita uye kutaura pamhepo achiti mutemo webasa rake haumubvumire kuita izvi, ati chavashamisa ndechekuti sangano ravo harina kumbobvira ragunun’una kumapurisa kuti riri kurasikirwa nemari sezvanga zvichitaurwa nemapurisa.

Mushandi uyu atiwo mapurisa aya anga achiti ZimRights iri kunyoresa vanhu kuvhota zvisiri pamutemo.

Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu re Zimbabwe Lawyers for Human Rights rinonzi razotumira magweta kumahofisi eZimRights mapurisa aya ari pakati pekusecha mahofisi aya.

Hatina kukwanisa kutaura nemukuru weZimRights, VaOkay Machisa, avo vanonzi vabuda munyika neChina mangwanani vachienda kunopinda musangano wezvekodzero dzevanhu uri kuitirwa ku Warsaw kuPoland.

Vari muchipurisa vane ruzivo nezviri kuitika vanoti kutorwa kwaVa Chamahwinya kune chekuita nekusungwa kwevanhu vana avo vanonzi vakawanikwa vaine mafomu ekunyoresa vanhu sevavhoti, zvitamba zvekutyairisa motokari pamwe nemuchina unodhinda ma serial number.

Zvinonzi mapurisa ari kufungidzira kuti ZimRights ine chekuita nevanhu vakasungwa ava.

Mutauriri wemapurisa mupurovhinzi yeHarare, Amai Charity Chibanda, vati havana chavanokwanisa kutaura nezvenyaya iyi sezvo vachiti mapurisa achiri pakati pekuferefeta.

Sitatimende yaburitswa nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition yashora kusechwa kwaitwa mahofisi eZimRights ichiti zvinoratidza kuti hurumende haisi kudzokera shure nenyaya yekushungurudza masangano anorwira kodzero dzevanhu.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG