Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yowanikwa Iri paNyika Dzisingabati Vatori veNhau Zvakanaka


Reporters Without Borders
Reporters Without Borders

Zimbabwe imwe yenyika dzepasi rose dzisiri kubata vatori venhau zvakanaka. Izvi zviri mugwaro richangoburitswa neReporters Without Borders.

Panyika zana nemakumi masere dzakaongororwa, Zimbabwe iri panzvimbo yezana nemakumi maviri nenhanhatu pakusabata vatori venhau zvakanaka.

Nyika nhatu dziri pamusoro iNorway, Sweden neNetherlands, ukuwo nyika dziri kusimudza mureza weAfrica iGhana, Namibia ne South Africa.

Nyika yakashatisira pasi rose, iNorth Korea, ichitevera neEritrea.

Mutori wenhau, Thomas Mupfuka, anoti kunyange hazvo kwave nehurumende itsva, vatori venhau vachiri kunetsekana kuwana ruzivo rwezviri kuitwa nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

Mumwe mutori wenhau, Godknows Homwe, anotiwo yaive tarisiro yake kuti hurumende itsva igadzirise mitemo inobata vatori venhau.

Mumwe mutori wenhau, Columbus Mavhunga, anoti rimwe dambudziko riri mumyika inyaya yekuti mamwe mapazi ehurumende anotora vatori venhau sevavengi.

Sachigaro weMedia Institute of Southern Africa-Zimbabwe, VaGolden Maunganidze, vatiwo zvinosuwisa kuona kuti Zimbabwe ichiri kure mukusunungura kufambiswa kwemashoko.

Vati nyika yakatarisana nesarudzo ishuviro yavo kuti mutemo ine chekuita nenhau ive inobatsira vatori venhau kuti vazivise nekudzidzisa vagari kuti vazokwanisa kuvhota vaine ruzivo rwakakwana.

Vatori venhau munyika vanosangana nematambudziko ekusungwa vari pabasa, kurohwa uyewo kurambidzwa kutora nhau pane dzimwe nzvimbo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG