Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zvakapotera paChechi yeMethodist muJohanneburg Zvodzingwa.


Bishop Paul Verryn
Bishop Paul Verryn

Musi weChitatu range riri zuva rekupedzisira kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvange zvakapotera pachechi yeMethodist Church muJohannesburg zvinge zvabva panzvimbo iyi.

Kutanga neChina panzvimbo iyi panonzi hapafanire kunge paine munhu. Vanhu vanosvika mazana mana ndivo vasina pekugara vakawanda vari zvizvarwa zveZimbabwe kusanganisira vana vadiki vanosvika zana havana pekugara.

Vanhu ava vakanopotera kuSouth Africa nezvikonzero zvakasiyanaya siyana kusanganisa zvematongerwo enyika nekusamira zvakanaka munyaya dzezvehupfumi.

Bishop Paul Verryn vaibatsira zvizvarwa zveZimbabwe izvi vanoti vachaona kuti vapoteri ava vose vawanirwa pekugara. Asi zvinenge zviri kukona n’anga murapwa achida.

Vamwe vakapotera panzvimbo iyi, VaNoel Muguti, avo vakapotera kunyika iyi mushure mekuti vainge vaitwa kafiramberi nenhengo dzeZanu-PF musarudzo dzemuna 2008 apo vaimirira MDC senhengo yeparamende kuGokwe neMbudziya, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka sezvo vanhu vakawanda vasina kwekugara.

Hurukuro naVaNoel Muguti
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanhu vakatanga kupotera pachechi iyi makore gumi apfuura mushure mekunge muSouth Africa maita mhirizhonga yemarudzi zvizvarwa zveSouth Africa zvichirwisana nevekunze.

XS
SM
MD
LG