Accessibility links

Breaking News

Matunhu Ose Anobuda neChisungo Chekuti VaMugabe Vasiye Basa


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Matunhu ose munyika aita musangano wechimbi chimbi akabuda nechisungo chekuti mutungamiri webato, uye vari mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiye basa vega mumazuva maviri ari kutevera, kukundikana kwavo, vachamanikidzwa kusiya basa.

Pamusangano waitirwa kuTraining Centre muChinhoyi nhengo dzeboka repamusoro reProvincial Coordinating Committee, PCC, pabvumiranwa kuti VaMugabe ngavasiye basa vachiti vari kutadza basa uye vari kuregedza vanhu vachiita huori vasina zvavanovaita.

Vasungawo chisungo chekuti mudzimai waVaMugabe, Amai Grace Mugabe, vanofanirwa kusiya chigaro chekutungamira madzimai emubato reZanu PF sezvo vasina hunhu hunokodzera.

Mushandi mukuru weZanu PF mudunhu reMashonaland West, VaChristopher Chikomba, ndivo vaverenga chiziviso chekuti musangano wakamira papi nenyaya yaVaMugabe.

Nhengo yeparamende yeZvimba West, VaZiyambi Ziyambi, vabva vasimuka vakati VaMugabe vatadza basa, nokudaro vanofanirwa kumbomiswa basa mubato.

Pfungwa yekuti VaMugabe vambomira kutungamira Zanu PF yabva yatambirwa nenhengo dzose dzanga dzichidarika zana kubva kumatunhu madiki ose.

Sachigaro weboka revakange vari varwi verusununguko mudunhu reMashonaland West, VaCornilius Muhoni, avo varambidza nhengo dzeZanu PF kuita ma slogans vachidoma zita remunhu nekuti vanhu vanopedzesera vonamata munhu mubato.

Imwe nhengo yeZanu PF yapinda musangano wanhasi, VaTichaona Gwembi, vekuHurungwe vanoti chanyanya kurwadza vanhu vakawanda ndechekuti VaMugabe vanga voda kuita mudzimai wavo uyo anozivikanwa nekuita hutsinye mutevedzeri wenyika.

VaGwembi vanoti nyika ino yanga yave kuitwa sekambani yemhuri.

Patabvunza kuti sei nhengo dzeZanu PF dzave kuramba VaMugabe asi vaipururudza masvondo maviri apera apo dzimwe nhengo dzaidzingwa mubato, VaGwembi vati nhengo dzakawanda dzinofarira zvekunyeperwa sezvo vachitya VaMugabe.

Imwe nhengo yedunhu VaMwanza vabva vasimuka vachiti musangano unofanirwa kudzosa vaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, mubato izvo zvatambirwa nenhengo dzose dzabva dzatanga kushevedzera kuti “ngwena, ngwena ngwena

Vanoona nezvematongerwo enyika muChinhoyi, VaJohn Marava, vanoti danho ratorwa nehutungamiri hweZanu PF mucherochedzo wekuti vasunungurwa sezvo vaizviita mukutya nekunyara.

Musangano uyu wakurudzira kuti bazi reZanu PF repamusoro reCentral Committee rigare mukati memazuva maviri kuti vatambire zvisungo zvavo.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG