Accessibility links

Breaking News

Gomarara reProstate Cancer Rokura Munyika


Doctors treat a patient during a pilot of an Israeli-developed photodynamic therapy to kill prostate cancer tumors in patients, at an operating room in Ramat Aviv Medical Center's Urology department in Tel Aviv, Israel, May 5, 2016.
Doctors treat a patient during a pilot of an Israeli-developed photodynamic therapy to kill prostate cancer tumors in patients, at an operating room in Ramat Aviv Medical Center's Urology department in Tel Aviv, Israel, May 5, 2016.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti dambudziko regomarara re prostate cancer, iro rinobata vanhurume chete, riri kuramba richikura munyika.

Nyanzvi idzi dzinoti ruzivo rwegomarara iri rwunofanirwa kuwaniswa kuvanhurume vose kuitira kuti vakwanise kuzvidzivirira.

Ongororo yakaitwa neCancer Registry muna 2014 inoratidza kuti vanhu vari kubatwa negomarara iri vari kukwira gore negore.

Gwaro reCancer Registry rinoti muna 2010vanhurume mazana maviri nemakumi manomwe nemumwe vakabatwa negomarara iri.

Huwandu hwevakabatwa negomarara hwakakwira muna 2014 kusvika pavanhurume mazana matanhatu nemakumi mana nevana.

Nyanzvi munyaya dzemagomarara dzinoti gomarara reprostate harina zviratidzo zvinoonekwa kana richangotanga.

Imwe yenyanzvi idzi, VaChristopher Samkange, vanoti kusaratidza zviratidzo uku ndokunoita kuti gomarara iri rizobatwa rakomba.

Nhengo yeprostate gland inobatsira vanhurume mukusika vana. Asi VaSamkange vakatsanangura kuStudio7 kuti kunyangwe vanenge vasisadi zvevana havakwanisi kubviswa nhengo iyi senzira yekudzivirira gomarara iri nekuti pane nhengo iyi panonetsa kuvhiya.

Imwe nyanzvi muHarare, VaAllen Chiura, vanoti rimwe dambudziko guru munyaya dzegomarara iri nderekuti hapasati pave neruzivo rwakakwana kuti gomarara iri rinokonzerwa nei.

VaChiura vanotiwo gomarara reprostate rinorapwa kuburikidza nenzira dzakasiyana-siyana.

Cancer Association of Zimbabwe inokurudzirawo kuti varume vese vane makore anodarika makumi mana nemashanu kuti vanoongororwa gore negore.

Asi nyanzvi dzinotiwo varume vanobva kumhuri dzine vakamboita gomarara iri, vanofanirwa kugara vachiongororwa kubva pamakore gumi nemana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG