Accessibility links

Breaking News

Bazi reMajere Rovimbiswa $2.5m yeChikafu cheVasungwa Gore Rose


Munyori mubazi rezvemutemo, Amai Virginia Mabhiza, vanoti vasungwa mumajeri ari munyika vakatarisana nenzara gore rino sezvo bazi rezvemari riri kuronga kupa bazi remajeri mari isingakwani kuti ritenge chikafu chinodiwa gore rose.

Vachitsanangura mamiriro akaita hurongwa hwemashandisiro avachaita nemari mubazi ravo gore rino kukomiti yezvemitemo, Amai Mabhiza vati bazi rezvemari riri kuda kuvapa mamiriyoni maviri nemazana mashanu ezviuru zvemadhora kuti vatenge chikafu chevasungwa gore rose.

Asi vati mari iyi ishoma zvikuru sezvo pachidiwa mamiriyoni makumi maviri nemazana mashanu ezviuru zvemadhora.

Majeri makumi mana nematanhatu ari munyika ane vasungwa vanodarika zviuru gumi nezvinomwe.

Kunyange hazvo gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, vakaramba kuti vasungwa vakatarisana nenzara mukupera kwegore rapfuura, Amai Mabhiza vati zvinhu hazvina kumira zvakanaka uye vakumbira komiti yezvemitemo kuti ivamirire kubazi rezvemari kuti riwedzere mari yechikafu chevasungwa apo vanozeya bhajeti muparamende svondo rinouya.

Vati kunyange hazvo zvimwe zvirongwa zvichikwanisa kumbosendekwa, nyaya yachikafu haigoni kumboiswa parutivi.

Vati bazi remajeri rinogona kurima chikafu charo mumapurazi arakapihwa nehurumende kana rikapihwa mari yekutenga mbeu, fotireza nezvekurimisa.

Vati kunze kwekushaikwa kwechikafu, majeri akatarisana nedambudziko rekushaya zvipfeko zvevasungwa, mvura, motokari nezvimwe.
XS
SM
MD
LG