Accessibility links

Breaking News

Vasungwa Vanodarika Zana Vofa neZvirwere Zvinokonzerwa neKushaya Zvekudya


Vakuru mubazi rinoona nezvemitemo nemusi weMuvhuro vakazivisa komiti yeparamende inoona nezvemitemo nemabasa eparamende kuti vanhu vanodarika zana vafa gore rino nezvirwere zvakarerekera mukushaya kudya kunovaka muviri mumajeri emunyika.

Vaipa humbowo pamberi pekomiti iyi munyori mubazi rezvemitemo, Amai Virginia Mabhiza, pamwe nemutevedzeri wemukuru weZimbabwe Prisons Services, VaAgrey Machingauta.

Majeri emunyika anonzi ane vanhu vanodarika zviuru gumi nezvisere nemazana mana nemakumi matanhatu.

Mumajeri aya munonzi mune vana vanodarika makumi manomwe nemanomwe.

Dare reparamende rakaudzwa kuti Zimbabwe Prison Service inoda mari inosvika miriyoni imwe chete nemazana maviri yekutenga chikafu, asi iri kungowana mari inosvika zviuru mazana matatu kubva kuhurumende.

Mukuru weZimbabwe Association for Crime Prevention and Rehabilitation, VaEddison Chihota, vanoti chimwe chopa kuti zvinhu zvinetse inyaya yekuti vanobatsira vekunze vambomira kubatsira. Vanoti sangano reRed Cross ndiro rasara rega richiri kubatsira vasungwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG