Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Votaura kuUNGA kuNew York


United Nations General Assembly
United Nations General Assembly

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kutarisirwa kutaura manheru eChitatu pamusangano weUnited Nations General aAsembly, uyo uri kuitirwa kuNew York, muAmerica.

VaMnangagwa vari kutarisirwa kukumbira nyika dzavanoti dzakatemera Zimbabwe zvirango zvehupfumi, idzo dzinosanganisira America ne Britain, kuti dzibvise zvirango izvi, vachiti zviri kukanganisa hupfumi hwenyika yavo.

Izvi ndizvo zvavakataura zvakare pamusangano wavakaita muno muNew York marimwezuro nechinangwa chekukwezva vekune dzimwe nyika kuitira kuti vabatsire Zimbabwe kumutsidzira mabasa ezvehutano.

Asi zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara muAmerica zvinoti hazvioni zvirango izvi zvichibviswa nekuti VaMnangagwa havazi kufamba negwara rinoremekedza kodzero dzevanhu.

Mumwe wevane pfungwa dzakadai, ndiVaNkosi Ndebele avo vanoti VaMnangagwa vari kutadza kutonga nyika nenzira inotambirwa nepasi rose.

Asi chimwewo chizvarwa cheZimbabwe, VaEsau Mavindidze, vanoti nyaya yezvirango hainei nehutongi hwejekerere nokuti pane nyika dzakawanda dziri kutyora kodzero dzevanhu asi dzichidyidzana zvakanaka neAmerica nedzimwe nyika dzakatemera vakuru vakuru veZanu PF zvirango

Asi vatsigiri veZanu PF vakaita saVaFrenk Guni vari muAmerica, vanoti VaMnangangwa vanofanirwa kubata nyaya yezvirango pavachataura.

VaMnangagwa vari kutaura ku United Nations panguva iyo hurumende yavo iri kushorwa nemabatiro airi kuita nyaya yevakafanobata chigaro chemutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr. Peter Magombeyi, avo vakabvumidzwa nematare edzimhosva kuti vanorapwa ku South Africa zvichitevera kutochwa kwavanoti vakaitwa pavakapambwa svondo rapera.

Asi mapurisa akazvidza mutongo wematare nemusi weChipiri achirambidza Dr. Magombeyi kubuda mu Avenues Clinic.

Nyanzvi dzinorwira kodzero dzevanhu dzinoti hurumende yaVa Mnangagwa inofanirwa kuona kuti vanhu vari kupamba vanhu muZimbabwe vasungwa vachimiswa pamberi pematare edzimhosva.

Zvinonzi pane vanhu vanodarika makumi mashanu vapambwa kubva muna Ndira gore rino, asi hapana kana munhu mumwe chete hake ati asungwa.

Asi vasati vasimuka kuenda kumusangano weUnited Nations General Assembly, VaMnangagwa vakati kunyange hazvo hurumende iri kufara nekuti Dr. Magombeyi vakawanikwa, vanoshushikana nenyayayekupambwa kwevanhu kwakanangana nekusvibisa hurumende yavo.

Gore rino ndere chipiri VaMnangagwa vachipinda musangano we United Nations semutungamiri wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG