Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vokurudzira Kubatana, Kuwirirana Kuitira Kuti Nyika Ifambire Mberi


President Emmerson Mnangangwa
President Emmerson Mnangangwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti vanhu vose vanofanirwa kutaurirana, kuwirirana, kushanda pamwe chete uye kusavengana kuitira kuti nyika ibudirire.

Vachisiya nyaya yavo yavanga vafambira yekutsvaira muChinhoyi, VaMnangagwa vati zvakakosha kuti vanhu vabatane nekusavengana kuitira kuti pave nebudiriro yekusvika pazvishuwo zvakanaka zvinotarisirwa senyika.

VaMnangagwa vati vnhu vakabatana munyika, Zimbabwe inogona kukunda uye kubuda mumatambudziko ayakatarisana nawo.

VaMnangagwa vati vanhu havafanirwe kuvengana sezvo vari vanhu vamwechete vemuZimbabwe.

VaMnangagwa vatiwo muchirongwa chekuzvitonga kwematunhu, makanzura akapihwa mari nehurumende nekudaro anofanirwa kupa vagari mvura yakachena pamwe nekutakura marara mudzimba.

Meya weguta reChinhoyi vebato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaDyke Mukumbi, vati vakapihwa mari inosvika mazana masere ezviuru zvemadhora iyo vakatotanga kushandisa kupa vagari mvura yakachena, kuchera zvibhorani pamwe nekutakurwa kwemabhini.

Mumwe mugari wemuChinhoyi, VaGershom Mhaka, vati mashoko aVaMnangagwa akanaka, asi chinoshamisa ndechekuti havasi kuatevedzera sezvo vasiri kuda kutaurirana naVaChamisa.

VaMnangagwa vati nyaya yekuchenesa nharaunda yakanaka asi vanhu vanofanirwa kutanga kuchenesa mudzimba nemoyo yavo.

VaMnangagwa vatsvaira nzvimbo gumi kubva pavakaparura chirongwa chekuchenesa nhauranda dzinogara vanhu gore rapera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG