Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vorumbidzwa Zvikuru Zvichitevera Mashoko Avataura


VaEmmerson Mnangagwa nemudzimai wavo
VaEmmerson Mnangagwa nemudzimai wavo

Vanhu vakawanda vanoti vafarira zvikuru mashoko ataurwa nemutungamiri mutsva, VaRobert Mnangagwa, zvichitevera kutoreswa mhiko kwavaitwa nemukuru wevatongi vematare edzimhosva, Justice Luke Malaba.

Mumwe wevafadzwa nekutaura kwemutungamiriri mutsva wenyika, ndiMambo Musarururwa.

Ishe Musarurwa vati chanyanyovafadza kuzvipira kwaVaMnangagwa kurwisa huori, kubatana nedzimwe nyika, pamwe nekukumbira kunyika dzekunze dzakatemera Zimbabwe zvirango zvehupfumi kuti vatange kuvaka hukama patsva.

Vari muMDC-T, variwo zvakare Senator weMidlands, Amai Lilian Timveos, vapembedzawo kutaura kwaVaMnangagwa. Amai Timveous vati vanyanyofadzwa nevimbiso yesarudzo dzakasununguka mugore rinouya vakati vanoshuwira kuti izvi zvive zvechokwadi.

Amai Timveos vati Zimbabwe yanga yozivikanwa nembiri dzesarudzo dzisiri dzejekerere.

Mumwe mugari wemuBelvedere, Muzvare Last Takwana, ati nyaya yataurwa naVaMnangagwa yekuwanisa vechidiki saiye mabasa, yakamukoshera zvikuru.

VaGeorge Murakura vati shuviro yavo ndeyekuti makurukota ehurumende achasarudzwa naVaMnangagwa ave vanhu vanoziva zvavanoita kuti vamutse makambani akavhara.

Kunyange hazvo vazhinji varumbidza mashoko aVaMnangagwa, vanomirira Harare Central mudare reparamende, VaMurisi Zwizwai, vati mashoko aVaMnangagwa haana kuvafadza.

VaZwizwai vati vange vaine tariro yekuti VaMnangagwa vachataura zvekushandura mitemo ine chekuita nesarudzo munyika.

Ishe Fortune Charumbira varumbidzawo kutambidzanwa kwemasimba murunyararo pakati paVaMnangagwa nevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

VaCharumbira vakurudzira kuregererana vakatiwo vanhu vagarisane murunyararo.

Mufundisi wechechi yeRoman Catholic uye vari mumwe wevaive vayananisi pakubva kwaVaMugabe pachigaro, Baba Fidelis Mukonori, vati vatungamiri vese vane nguva yavo.

VaMukonori vati chinangwa chemwana wese weZimbabwe chinofanirwa kuve chekusiya nhaka yakanaka kune vachauya.

Kunyange hazvo veruzhinji vafarira mashoko aVaMnangagwa vati chasara kuona kuti mashoko aya achazadzikiswa here?

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG