Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoita Hurukuro neVakuru veMakereke


Emmerson Mnangagwa
Emmerson Mnangagwa

Munyori mukuru wesangano reZimbabwe Council of Churches, Reverend Kenneth Mutata, vanoti zvakakosha kuti vemachechi vaite misangano yekubudirana pachena nevatungamiri vezvematongerwo enyika.

Vanoti shuviro yavo ndeyekuti zvinotaurwa nevatungamiri vehurumende dai zvichizozadziswa zvinoita kuti veruznji vaone gwara rehurumende zvakanaka.

Mashoko aReverend Mutata anotevera musangano wakaitwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nevakuru vemachechi.

Zvinonzi pamusangano uyu Va Mnangagwa vakataura nyaya dzakasiyana siyana nevakuru vemakereke. VaMnangagwa vanonzi vakavimbisa kutsigira zvinoitwa nevemakereke.

Vakaudzawo vemachechi kuti vasununguke mukupawo pfungwa dzavo pamusoro pematongerwo enyika.

Muhurukuro dzavaiita nevemachechi aya, pane dzimwe nguva VaMnangagwa vaishandisa mavhesi emubhaibheri zvikuru pamusoro pedambudziko rehuori hwauraya nyika.

Zvinonziwo VaMnangagwa vakaudza vemakereke kuti vanzwisisewo kuti havangagoni kuvandudza zvinhu zvese nechimbi chimbi munyika asi vakati vakazvipira kugadzirisa zvese zvavanofanirwa kugadzirisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG