Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voshorwa Zvichitevera Kubuda Munyika Apo Nyika Iri Kuchema


President Emmerson Mnangagwa Zimbabwe Cyclone Idai
President Emmerson Mnangagwa Zimbabwe Cyclone Idai

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kushorwa zvikuru nevanhu vakawanda zvichitevera kuenda kwavo kuAngola panguva iyo nyika iri kuchema.

VaMnangagwa vaenda kumusangano wemapato akarwa muhondo yerusununguko munyika dziri kuchamhembe kweAfrica. Aka hakasi kekutanga VaMnangagwa vachinzi nevamwe vari kutadza kuratidza hutungamiri panguva iyo nyika inenge yakatarisana nematambudziko.

Pakatanga dambudziko reCyclone Idai kuMozambique risati rapinda muZimbabwe, VaMnangagwa vakabuda munyika vachienda kuUnited Arab Emirates vachiziva kuti dutumupengo iri richapinda munyika.

Asi rwendo rwavo rwakazodimurirwa panzira vodzoka kumusha zvichitevera kuvhiringwa kwakaitwa matunhu eManicaland neMasvingo nedutumupengo reCyclone Idai.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaJacob Mafume, vanoti VaMnangagwa vanga vasingafanire kuenda “kumabiko” kuAngola sezvo munyika muine kuchema.

VaMafume vanoti hazvina musoro kuti munhu unotara mazuva ekuchema munyika asi iwe wobuda munyika munguva yekuchema vana veZimbabwe vakavhiringirwa upenyu hwavo neCyclone Idai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaEnergy Mutodi, vanoti VaMnangagwa vakaita zvakanaka chose kutara mazuva maviri ekuchema hama neshamwari dzakarasikirwa nevadikani vavo mudambudziko rakakonzerwa nedutumupengo.

VaMutodi vanoti kushanya kwaVaMnangagwa kuAngola kunopa mukana wekuti Zimbabwe ibatsirwe nerubatsiro nedzimwe nyika dzavachasangana nadzo kumusangano uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG