Accessibility links

Breaking News

Mitambo yePSL Yotanga Zvakare neChitatu


Mitambo yePremier Soccer League, PSL, ichatanga zvakare kutambwa neChitatu munyika zvichitevera kumbomiswa kwayakaitwa kwemasvondo maviri.

Highlanders, iyo iri pamusoro pamitambo yePSL pari zvino, ichakweshana ne Chicken Inn ku Barbourfields Stadium, ukuwo Dynamos ichatashurana ne Buffaloes ku Sakubva Stadium.

Mimwe mitambo ichatambwa neChitatu inosanganisira mutambo weBlack Mambas ne Shabanie kuMorris Depot, Black Rhinos ne Tripple B kuRimuka, Caps United ne Hwange ku National Sports Stadium, pamwe newe Motor Action ne FC Platium kunhandare ye Motor Action Sports Club.

Mukuru wesangano rePSL, VaKennedy Ndebele, vanoti vari kutarisira kuti vatsigiri vachafara nemafambiro achaita mitambo yechikamu chino sezvo zvikwata zviri kutamba zvinonwisa mvura.

VaNdebele vanoti zvikwata zviri muPSL zvinofanirwa kufambisa nhabvu sebhizinesi kuitira kuti zvisaite dambudziko remari.

Zvikwata zvizhinji munyika hazvina mari izvo zviri kuita kuti mutambo wenhabvu usafambe zvakanaka.

VaNdebele vanoti zvakakosha kuti zvikwata zvitsvage dzimwe nzira dzekuwana nadzo mari. VaNdebele vanoti kana makirabu akafambisa zvinhu zvakanaka vanokwanisa kukwezva rutsigiro rwemamwe makambani kunyange hazvo zvinhu zvakaoma munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG