Kushaikwa kwavana chiremba muzvipatara zvehurumende kwave kuisa hupenyu hwemadzimai akazvitakura panjodzi kana vakaita dambudziko sezviri kuitika pachipatara chikuru chemuChinhoyi.
Muzvare Lisa Sibanda ndemumwe mudzimai akatarisana nedambudziko rekutadza kusununguka zvakanaka.
Muzvare Sibanda vanoti mwana wavo, uyo anga,asati asvika nguva yekuzvarwa, akafira mudumbu pavakauya nemusiwe Chipiri, asi hapana chiremba akavayamura vachiti vakatozoyamurwawo nemumwe mukoti uyo akaita kuti mwana abude akafa.
Muzvare Sibanda vanoti dambudziko guru rave rekuti vasukwe chibereko chavo zvekuti vakanonokerwa sezvavari kuitwa, zvinogona kuvhiringa hutano hwavo.
Muzvare Sibanda vanoti vari kusangana nedambudzikowo rekushaya mvura zvekuti zvimbudzi zvepachipatara ichi hazvichapindika uye vave kutochingidzira mvura inenge ichinaya.
VaErasmus Zindoga, avo vakauya nemudzimai wavo kubva kuKariba, vanoti havasati vawana rubatsiro kubva kunana chiremba vachiti mumwe chiremba wavakaona pachipatara apa, akaramba kurapa mudzimai wavo.
VaZindoga vanoti vakatohaya motokari kubva kuKariba kuuya kuChinhoyi mufambo une makiromita mazana maviri nemakumi mashanu sezvo zvinhu zvisina kumirawo zvakanaka pachipatara chemuKariba.
Hatina kunzwa kuti madzimai mangani ari kusangana nematambudziko akadai pachipatara chemuChinhoyi icho chinotambira vanorwara kubva munzvimbo dzinosanganisira Kariba, Hurungwe, Karoi, Makonde neZvimba.
Vakafanobata chigaro chemukuru webazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West, VaTapiwa Dhliwayo, vanoti semaziviro avo vanachiremba vanofanirwa kunge vari pabasa mudunhu rose.
Asi vabvuma kuti vanamukoti havasi ivo vanofanirwa kurapa madzimai anenge ayita dambudziko pakusununguka sezviri kuitika pachipatara chemuChinhoyi.
Mutauriri wekanzuru yeChinhoyi, VaTichaona Mlauzi, vakaburitsa chiziviso svondo rapera vachiti guta reChinhoyi, iro rine vagari vanosvika zviuru zana namakumi maviri, rine dambudziko remvura nekuda kwemapambu matatu akafa ayo ari kugadzirwa.
Facebook Forum