Accessibility links

Breaking News

VaBiti Voyambira Hondo muNyika Pakasaiswa Musoro Pamwe Chete


biti
biti

Mutungamiriri webato rinopikisa, rePeople's Democractic Party, VaTendai Biti, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakakanaka munyika munyaya dzematongerwo enyika pamwe nehupfumi zvekuti munyika munogona kuita kurwisana kunotyisa mukati menguva pfupi inotevera.

Vachitaura pamusangano wainge wakarongwa nesangano reSouthern African Political Economy Series maererano nemafambiro achaita zvinhu kana mutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe vachinge vaenda. Musangano uyu wakaitwa China manheru.

VaBiti vakati kurwisana kuri kuitika mubato ririkutonga reZanu PF, kusamira zvakana kwehupfumi pamwe nekusawirirana mukati memapato anopikisa munyika ndizvo zvinoita kuti vafunge kuti munyika munogona kuita nyonga nyonga nekuurayana kwevanhu sezvaikaita kunyika yeRwanda muna 1994.

VaPhelekezela Mphoko, VaRobert Mugabe naVaEmmerson Mnangagwa
VaPhelekezela Mphoko, VaRobert Mugabe naVaEmmerson Mnangagwa

Vakaenderera mberi vachiti kana VaMugabe vakabva pari zvino sezvo vakwegura panofanira kuumbwa hurumende yemubatanidzwa kwenguva pfupi inonzi National Transitional Authority. Transitional Authity iyi inonzi ndiyo inozoona kuti munyika maitwa sarudzo murunyararo.

Nhengo yebodhi reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMehluli Dube vanoti vanobvumirana nemaonero aVaBiti uye hurongwa hwavo hweNational Transitional Authority hunofanira kupihwa mukana.

Asi vanoti havaone izvi zvichitika pari zvino sezvo bato riri kutonga ririkuita sekuti hapana zviri kunetsa uye richiti rakasarudzwa nevanhu.

VaPride Mukono vanotiwo pfungwa dzeNational Transitional Authority dzakanaka chose sezvo dzichipa nyika mukana wekugadzirisa zvinhu sarudzo dzisati dzaitwa.

Muzvinafundo, Sabelo Gastheni Ndhlovu vekuUniversity of South Africa vakati maonero aVaBiti akanaka chose uye zvinofadza kuti pane vamwe vakaita saVaBiti vari kushanda kugadzirisa zvinhu munyika.

Asi muzvinafundo Rudo Gaidzamwa vepaUniversity of Zimbabwe vanoti veruzhinji munyika havanachivimbo nemapato ezvematongerwo enyika uye ndosaka vave kuzara kudzisvondo uko vanopihwa tariro maererano nehupenyu hwavo.

VaMugabe vatonga nyika kwemakore makumi matatu nemashanu uye hapana hwaro hwakajeka kwekuti zvinhu zvichafamba sei kana vakafa kana vakasiya chigaro.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG