Accessibility links

Breaking News

VaAndrew Langa Vodzingwa Basa seGurukota naVaMugabe


Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe

Munyori mukuru wedare remakurukota VaMisheck Sibanada nemusi weChina vakazivisa kuti vaimbova gurukota rezvemitambo VaAndrew Langa vainge vadzingwa basa nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

VaMugabe vabva vadoma VaMakhosini Hlongwani kuti vatore chigaro ichi. VaLanga vagara vange vachipomerwa mhosva yekuti vaishanda nevaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Joyce Mujuru avo vakadzingwawo basa nekuva nhengo yebato reZanu-PF.

VaHlongwani avo vanonzi vari muchikwata cheZanu-PF chinotsigira mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vange vangodomwa kuita gurukota asi vasina bazi ravanomirira.

Asi VaMnangagwa vanoramba kuti vane chikwata chavanotungamira muZanu-PF.

VaLanga vanova nhengo yedare reparamende inomirira Insiza South kuMatabeleland South vakamiswa kuva nhengo yebato iri muna Chikumi kwemakore maviri.

VaLanga vakadzingwawo pachigaro chekuva sachigaro weZanu-PF kuMatabelaland South. VaLanga vakambomiswa kuvanhengo yebato pamwe nevamwe vakaita sevaiva makurukota vanosanganisa VaWebster Shamu naVaSylvester Nguni.

XS
SM
MD
LG