Hukama pakati pameya weguta reHarare nemakanzura haachina kumira zvakanaka zvichitevera mashoko ameya ekuti kanzuru inoda makanzura ane hunyanzvi.
Kirsty Coventry otora menduru yegoridhe kumakwikwi ema All Africa Games.
Zvikoro zvepamusoro zvokurudzirwa kupa mukana kune vakaremara.
EU inokurudzira hurumende yeZimbabwe kuti itsvage kune murwiri wekodzero dzevanhu akapambwa Itai Dzamara.
Nyanzvi nemapato ezvematongerwo enyika votaura nezvegwara rakaparurwa nesangano raAmai Joyce Mujuru nezuro.
Muchirongwa cheLivetalk na 8:30 pm tiri kutarisa nyaya yegwaro rezvematongerwo enyika rakaparurwa naAmai Joyce Mujuru rakanangana nezvavanoda kuita vakasarudzwa kutungamira nyika.
Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 12080, ne 15460 kilohertzs pa Shortwave kana pafacebook page yedu yeVoa Shona.