Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vanoti Hapana Chakaipa Kuita Gweta raVaGono


VaTendai Biti
VaTendai Biti
Mubato reZanu-PF munonzi maita kunetsana kwakanyanya nedanho ratorwa nevaimbova gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, rekuti vamiririrwe mudare nemunyori mukuru weMDC-T, VaTendai Biti, munyaya yavari kupomerwa yehuori neimwe nhengo yeparamende VaMunyaradzi Kereke.

Asi mumashoko avo kuvatori venhau neChitatu, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo, vashora zvikuru bepanhau reHerald vachiti rakanyomba uye kusvibisa zita raVaGono nekuti vainge vati VaBiti vavamirire.

VaMoyo vanoti VaGono vane kodzero yekusarudza munhu wavanoda kuti avamiririre kumatare.

Mashoko aya anotsinhirawo ataurwa nemunyori anoona nezvemabasa muZanu-PF, VaDidymus Mutasa, avo vaudza bepanhau reHerald kuti VaGono vane kodzero yekusarudza gweta ravanoda.

Asi mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti bato ravo harisati rapirwa zviri pamutemo zvichemo zvevanhu vanonzi vari kugunun’una kuti sei VaGono vari kumiririrwa naVaBiti.

Asi vati zvichemo izvi zvikauya vakagadzirira kuzvizeya sezvo VaGono vakasarudzwa nedunhu reManicaland kuti vaite seneta weZanu-PF kuBuhera vachitsiva mushakabvu VaKumbirai Kangai.

VaKereke, avo vaimbova chipangamazano chaVaGono kubhanga guru renyika, vakakwira kudare reConstitutional Court svondo rapera vachiti Zimbabwe Anti Corruption Commission inofanira kuti imanikidzwe kuongorora VaGono avo vari kupomerwa mhosva yekubira bhanga guru renyika mari inosvika mamiriyoni makumi matatu nemasere emadhora ekuAmerica, mari inosvika miriyoni imwe nemazana mana ezviuru zvemarandi ekuSouth Africa uye mapaunzi anodarika makumi maviri emamiriyoni.

VaGono vakapedza makore gumi vari gavhuna webhanga iri vakazosiya basa gore rino mushure mekunge temu yavo yapera.

VaBiti vaudza Studio 7 kuti segweta vanomiririra munhu wose asi kungava kuresva vakada kutanga kutaura panhepfenyuro nezvevanhu vavanomirira sezvo kuri kutyora mhiko dzehugweta.

Mashoko aVaBiti atsinhirwawo nemutauriri webato reMDC-T, VaDouglas Mwonzora, avo vaudza Studio 7 kuti VaBiti vari kuita basa ravakabairwa chitupa. Vatiwo zvinoratidza pachena kuti MDC-T ine magweta ane njere dzakapinza.

Asi vanoongorora nyaya dzezvematongerwo vakazvimirira, uye vari maneja we Exxaro Resources, VaPaul Chimhosva, vanoti VaBiti vanogona havo kunge vari kuita basa asi zvinonetsa kunzwisisa nekuti bato ravo reMDC-T rainge riri pamberi pakaumbwa hurumende yemubatanidzwa richikurudzira kuti VaGono vamiswe basa nenyaya yehuori.

Asi VaChimhosva vanoti hazvinwisisike kuti sei MDC-T yakazongosiyana naVaGono.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vari mukuru weZimbabwe Democracy Institute, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti havaone paine chinoshoreka padanho raVaBiti naVaGono.
XS
SM
MD
LG