Accessibility links

Breaking News

VaMugabe neZanu-PF Vozeya Nyaya yeSarudzo neMugovera


Bato reZanu-PF neMugovera riri kuita musangano wakakosha wePolitiburo wekuyedza kugadzirisa matambudziko arasangana nawo zvikuru munyaya yesarudzo dzematunhu.

Mumwe mukuru mubato iri asina kuda kudomwa nezita anotiwo zvinhu zvave kutonyanya kuipa sezvo pave kurwirwawo chigaro chekutsiva mutevedzeri wemutungamiri webato, muchakabvu John Nkomo, uyo anobva aitwa mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, uye chigaro chasachigaro webato, ndokunge sachigaro aripo pari zvino, VaSimon Khaya Moyo, vatora chigaro chaVaNkomo sezvange zviri kutarisirwa neveruzhinji.

Mutungamiri webato, varizve mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vange vachitarisirwa kupinda munyika neChishanu uye ndivo vakamirirwa kuti vazeye nevamwe vavo nyaya yanetsa mubato iri.

VaMugabe vange vari kumusangano weAfro-Asia kuKuwait.

Sarudzo dzematunhu dzakangoitwa kuManicaland, Midlands neMashonaland Central, asi hadzina kuitwa kune mamwe matunhu nepamusana pekunetsana.

Mubato iri maita kunetsana kunotyisa pakati pevanonzi vari kutsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru, nevanonzi vanotsigira gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa.

Hondo iyi yave kubuda pamhene sezvo vakuru vebato vofukura hapwa vachikandirana makobvu nematete mumapepanhau nemudzinhepfenyuro.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vatenda kuti musangano uyu uriko neMugovera.

Asi vanoti kuti tinzwe zvizhinji tinofanira kutaura nevanoronga mabasa mubato, VaDidymus Mutasa. Asi VaMutasa vanonzi vange vari kuBulawayo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari chipangamazano mu International Crisis Group kuchamhembe kwe Africa, VaTrevor Maisiri, vanoti nyaya yeZanu-PF ichanetsa kugadzirisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG